UZ yasimudza mureza weZim

16 May, 2024 - 20:05 0 Views
UZ yasimudza mureza weZim Team University of Zimbabwe

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chekarate cheUniversity of Zimbabwe (UZ) chakasimudza mureza wenyika kuBotswana svondo radarika apo chakahwina menduru dzinosvika 20 kumutambo weGabs Karate Open Championships.

Menduru idzi dzinosanganisira 10 dzegoridhe, sere dzesirivha nembiri dzebhuronzi.

Kumutambo uyu kwaive nezvikwata zvekarate zvenyika dzinoti Botswana, South Africa, Zambia neZimbabwe.

Murairidzi wechikwata cheUZ – Sensei Knowledge Chikondiwa – anoti vakadadisa zvikuru kumutambo uyu sezvo waive wekutanga wevamwe vatambi vavo.

“Tiri kunzwa manyuku-nyuku zvikuru nematambiro akaita chikwata chedu svondo radarika apo takaenda kuBotswana uko takakwanisa kubva nemenduru 20 dzakasiyana kuGabs Karate Open Championships.

“Chinhu chiri kunyanya kundifadza ndechekuti vamwe vatambi vatakatakura kaive kekutanga kavo kukwikwidza pamutambo mukuru wakaita seuyu uye ndokuhwina saka zvinhu zvinofanirwa kupembererwa.

“Ini semurairidzi wavo ndinodada nevatambi vangu uye ndinovakurudzira kuti varambe vakazvininipisa apo tiri kutarisira kuti vasimukire zvakanyanya mumutambo uyu,” anodaro Sensei Chikondiwa.

Anoti parizvino vari kumhanya-mhanya kuita gadziriro dzevatambi 10 avo vakasarudzwa kupinda muchikwata cheTeam Zimbabwe chichazonomirira nyika kuWorld Karate Championship kuAustria munaGunyana.

Anoti vari kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kutsigira vatambi ava kuti vabudirire kuenda kumakwikwi aya.

“Tave kutanga gadziriro dzekuenda kuAustria munaGunyaya nekuti ndine vatambi 10 vakasarudzwa kupinda muTeam Zimbabwe iyo ichanokwikwidza kuWorld Karate Championships.

“Mutambo mukuru wekarate uyu wekuti mutambi wese anodawo chaizvo kuenda kunokwikwidza saka zvakakosha kuti tigadzirire uye zvikwanisiro zvinge zviripo,” anodaro Sensei Chikondiwa.

Zvakadaro, vatambi veZimbabwe vakahwina menduru dzegoridhe kuBotswana vanosanganisira Brenda Kwangare, Chiedza Melane Dziva, Vimbikayi Jaqueline Juriyasi, Mthabisi Titus Dhlamini, Danver Tinotendaishe Mpofu naMunyaradzi Pachasvikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey