UZ yobatsira varimi

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
UZ yobatsira varimi

Kwayedza

POST HARVEST (MUREHWA)CHIKAMU cheUniversity of Zimbabwe cheDepartment of Soil Science and Agricultural Engineering chiri kushanda nevarimi vekwaMusami kwaMurerwa  chichivadzidzisa machengeterwo akanaka egoho nedonzvo rekuti risazoparadzwe nehudyi hwakaita sezvipfukuto.

Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa naDr Brighton Mvumi naVaHonest Machekano vanove vadzidzisi kuchikamu ichi paUZ.

Vachitaura pamusangano wavakaita  nevarimi kwaMusami svondo rapera, Dr Mvumi vakati donzvo ravo ndere kubatsira varimi kuti vachengetedze goho ravo pasina matambudziko avanozosangana nawo.

“Patichasvika mugore ra2050 kunenge kwave kudiwa chikafu chakawanda nekuda kwekuti vanhu vari kuwanda munyika asi minda haisi kuwedzera, mvura haisi kunaya zvakanaka uye ivhu racho harisi kunyatsopa goho rakanaka.

“Takaita ongororo yedu tikaona kuti varimi nevarimisi havasi kunyatsoita hanya nekuchengetedzwa kwegoho zvichizokonzera kuti varimi varasikirwe nechiri muchanza. Kwava nezvimwe zvipfukuto zvaisambovako kare uye zviri kuparadza goho zvakanyanya ndosaka takati tidzidzise varimi kuti goho rinochengetedzwa sei,” vakadaro Dr Mvumi.

Vakaenderera mberi vachiti sezvo mvura isisiri kunaya zvakanaka zvakakosha kuti varimi vachengetedze goho ravo kuitira kuti vasazoita dambudziko rekushaya chikafu.

Dr Mvumi vakati paongororo yavakaita, vakaona kuti varimi vazhinji vanoendesa chikamu chemari yavo che95 percent mukurima mbesa ne5 percent chete pakuchengetedza goho izvo zvinoita kuti vatadze kutenga mishonga inodiwa vorasikirwa negoho zvakanyanya.

Vamwe varimi vakataurawo pagungano iri vakati Murehwa yairasikirwa nechikamu chegoho chiri pakati pe15 percent ne20 percent kuburikidza nehudyi hwakaita sezvipfukuto nemakonzo nekuda kwenzira dzavaishandisa mukuchengetedza goho  sezvo vamwe vacho vachishandisa nzira dzechivanhu dzakaita sekuisa mapfunde kana mashizha emupuranga mugoho.

Dr Mvumi vakakurudzira varimi kuti vashandise mishonga mukuchengetedza goho ravo asi vachingwarira hupenyu hwavo zvakare.

“Tinofanira kuuraya chipfukuto isu tichisara. Shandisai mishonga isingakanganise hutano hwenyu nekuti hwakakosha. Vamwe vanoti zvipfukuto zvikawandisa voisa mushonga wakawandisa izvi zvinokanganisa hutano ndipo paunozoona mumwe pakuchembera ava kuita nhetenwa izvo zvinenge zvichikonzerwa nemishonga yakapinda munyama,” vakadaro.

Zvakadaro, vaive munyarikani pagungano iri Muzvare Phillis Banhwa vanove mutevedzeri waDistrict Administrator wekwaMurehwa vakatenda UZ nekubatsira kwairi kuita varimi.

“Tinofanira kuti tishandise mishonga yatinoudzwa kuti ndiyo inoita nevarimisi vedu. Pane vaya vanouya kwamuri vachida kuchinjisa chibage nembatya dzemumabhero musabvume zvakadaro tengesai chibage chenyu mega mozonotenga nemari yamunenge mawana,” vakadaro Muzvare Bonhwa.

 

Share This:

Sponsored Links