Vabaiwa booster vadarika 33 000

21 Jan, 2022 - 04:01 0 Views
Vabaiwa booster vadarika 33 000 Dr Chimedza

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 33 000 kusvika pari zvino vabaiwa nhomba yechitatu (booster shot) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 panguva iyo Zimbabwe iri mushishi yekurwisa denda iri zvichitevera kunyuka kwaro kechina (fourth wave) izvo zvakakonzerwa nehutachiona hwemhando yeOmicron variant.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rinoona nezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 33 331 vange vabiwa nhomba yechitatu.

“Vanhu 6 998 vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) nhasi (Chitatu) izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga husvike pa4 222 838 uye vamwe 7 036 vabaiwa echipiri zvabvawo zvaita kuti huwandu hwevabaiwa nhomba yechipiri husvike pa3 249 450 kuchiti 2 490 vabaiwa yechitatu zvikaita kuti huwandu uhu huende pa33 331,” rinodaro bazi iri.

Vanhu 10 vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi uyu zvakare.

Kusvika nemusi uyu, vanhu 227 568 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 210 675 vakatopona asi vamwe 5 276 vakafa.

Apo Zimbabwe iri pakati pekurwisa kunyuka kwedenda iri kechina, nyanzvi dzezveutano dzinoti kubaiwa nhomba ndiyo yoga tariro yekukunda chirwere ichi.

Nyika ino ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari muZimbabwe kuti inge yakadziviririka kubva kudenda iri.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Dr Jasper Chimedza – vanoti vanhu vanokwanisa kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti panhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipiri.

“Hapazi kuzove nekusanganiswa kwemishonga yenhomba, panofanirwa kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitatu.
“Nhomba yechitatu ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipiri,” vanodaro Dr Chimedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>