Vabatsira kuponda hama

15 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Vabatsira kuponda hama Mhondi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VARUME vaviri vekuNyanga vanonzi vakabatana nevamwe vemumusha mavo ndokurova mumwe wemhuri yavo kusvikira afa zvichitevera kusanzwisisana kwavakaita.

Spencer Chaburumunda naSimbai Chaburumunda vekwaSabhuku Mukunzva, kwaMambo Katerere pamwe naFarai Manda naRobert Nyamukama vanonzi vakarova Anyway Chaburumunda apo vaikurukura nyaya dzemhuri vachinwa doro.

Zvinonzi pakamuka kusanzwisisana zvakakonzera kurwisana pakati pevanakomana vemhuri imwe ava.

Vasungwa vana ava vari kumiririrwa negweta VaCosmas Chibaya vekambani yeChibaya and Partners uye havana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva apo vakamiswa mudare reNyanga Magistrate Court pamberi pemutongi Muzvare Notebulguar Muchineripi.

Vakadzoserwa muchitokisi uye Muzvare Muchineripi vakavati kana vachida bhero vakumbire kudare repamusoro reHigh Court.

Muchuchisi VaTapiwa Mashanda vanoti vana ava vanonzi vakasundudzira Anyway kumadziro ndokumurova nezvibhakera muviri wose.

Vanonzi vakamukava vachishandisa shangu dzemhando yesafety shoes.

“Nemusi wa13 Nyamavhuvhu, paMugorowondo Tuckshop mumusha waMukunzva, Spencer Chaburumunda anonzi akarwa naAnyway Chaburumunda uyo ava mushakabvu. Hondo iyi yakamiswa nedzimwe hama nevamwe vemunharaunda.

“Zvisinei, anonzi akazorova Simbai Chaburumunda nechidhinha kumusana. Simbai akadzorera ndokurova Anyway nembama muviri wese.

“Anonzi akanhonga dombo ndokupotsera kuna Manda, asi akamupotsa. Manda akadzorera ndokurova Anyway nezvibhakera netsoka apo Nyamukama akazopindirawo ndokusundira mushakabvu uyu kakawanda kumadziro echitoro.

“Akazvimba dama akatanga kubuda ropa mumuromo, mumhuno nemunzeve. Akazofira kumba kwake,” vanodaro Muchuchisi Mashanda.

Share This:

Sponsored Links