Uncategorized

Vabatsira vana vanoshaya

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vabatsira vana vanoshaya Sadunhu Gwindi VaMick Guwa vachigashidza bota nemahewu kuna Tanyaradzwa Mangwiro ari kuita Grade 5 paChinhamora Primary vachibatsirwa naMai Beverley Matondo. Mufananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reCreating Better Futures (CBF)  iro rinobatsira vana vemhuri dzinotambura pamwe chete nenherera  rinoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwadzosera shure zvikuru mabasa ekusimudzira raramo yevana.

Mashoko aya akataurwa maMai Beverley Matondo avo vanova muvambi wesangano iri apo vaipa vana chikafu pachikoro cheChinhamora Primary School chiri kuDomboshava.

“Hatisi kuwana nguva izere nevana izvo zvinoita kuti ndinzwe kubatikana zvikuru. Musangano redu tine nyanzvi dzinotaura nevana vakasununguka apo tinonzwa magariro avo kudzimba zvichiburitsa kungava kushungurudzwa kana kuti vagere zvakanaka here. Zvino hapana zvatingazviite, chirwere chakauya chinoda kurwiswa chikundwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatisarure vana vatinobatsira asi kuti vanosarudzwa nevadzidzisi nevabereki nemakomiti eSchool Development Committee (SDC) kubva kuECD kusvika kumayunivhesiti,” vanodaro Mai Matondo.

Pamusoro pazvo, vanobatsira zvikoro nekuvamba mabhindauko emaoko sekupfuya tsuro, mbudzi nehuku.

Sadunhu Gwindi VaMick Guwa vekwaChinhamora, vanotenda sangano iri nekubatsira vana vemumhuri dzinotambura nezvekudya munguva yakaoma seino.

“Ndinotenda zvikuru sangano iri nekubatsira vana vedu nezvekudya nekuvabhadharira mari dzechikoro. Tinoti varambe vakadaro,” vanodaro sadunhu ava.

Share This:

Sponsored Links