Vabatwa vaine haka mbiri

11 Apr, 2022 - 17:04 0 Views
Vabatwa vaine haka mbiri

Kwayedza

Luthando Mapepa

VARUME vatatu vekuChipinge vakasungwa nemhosva yekuwanikwa vaine haka mbiri dzinokosha US$10 000.
Justice Faya (42), Phenious Chauke (31) naLovemore Deya (39) vakatomiswa pamberi pemutongi Mai Elizabeth Hanzi vedare reChipinge Magistrate Court vachitarisana nemhosva yekutyora chikamu cheSection 45 (1) chemutemo weParks and Wildlife Act.

Vose vari kuramba mhosva iyi uye nyaya yavo ichaenderera mberi nekutongwa nemusi wa20 Kubvumbi apo vanenge vari muchizarira.

Muchuchisi VaTimothy Katsande vakaudza dare kuti vatatu ava vakasungwa panzvimbo yemakiromita 263 mumugwagwa weTanganda-Ngundu.

Matikitivha ekuchikamu cheMineral, Flora and Fauna Unit ekuChipinge anonzi akanyeverwa kuti vatatu ava vaive nehaka mhenyu kunzvimbo yeChibuwe. Vanonzi vaida kutengesa haka idzi paTanganda Business Centre.

“Muzuva rimwe chete iri, matikitivha akatorana nemamwe mapurisa ekuZRP Middle Sabi nevashandi vanoona nezvemhuka dzesangano vekuChipinge Safari ndokubva vaita rodhibhuroko panzvimbo yemakiromita 263 vachisecha motakari dzose dzaidarika.

“Vanoona nezvekuchengetwa kwemutemo ava vakamisa mota yemhando yeToyota Vista yaityairwa naDeya. Faya aive akagara kumberi uye Chauke akagara kumashure.

“Mapurisa akasecha motokari iyi ndokubva vaona saga jena raive nechigubhu chitema chemarita 20 chiine haka mbiri mhenyu. Vatatu ava vakabva vasungwa uye haka idzi ndokutorwa.

“Mumwe wevasungwa ava anoti akawana haka idzi kuMozambique. Deya akaudza mapurisa kuti akange ahaiwa naFaya pamwe naChauke kuenda kuTanganda Business Centre uye asiri kuziva chinangwa chavo chekuenda kunzvimbo iyi,” vanodaro VaKatsande.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>