Uncategorized

Vabereki vakarova maticha: Chikoro chikatombovharwa, Vakazoripiswa mombe ina

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Vabereki vakarova maticha: Chikoro chikatombovharwa, Vakazoripiswa mombe ina

Kwayedza

IMWE mhuri yemubhuku raTadyamukonde, kwaShe Saunyama, kuNyanga yakamuka chibhebhenenga ndokuzvambaradza vadzidzisi vepachikoro chiri munzvimbo iyi kunge nyoka yapinda mumba apo vaivapomera kunonotsa mwanakomana wavo kuuya kumba achibva kuchikoro.

Vatatu ava kazotongwa kwasadunhu ndokunzi varipe nemombe ina idzo dzakatotorwa.

Vadzidzisi vepachikoro cheMazarura Secondary School vanonzi vakaona chitsvuku apo vakavingwa pabasa pavo nemhuri yevanakomana vaviri naamai vavo, vachiti vaisafadzwa nekunonoka kwaiita mwana vavo anodzidza pachikoro apa kudzoka kumba.

Sezvo pachikoro apa paiitwa gadziriro dzekunyora bvunzo, zvinonzi mukuru wechikoro, VaJoseph Jokonya, akakumbira vana nevadzidzisi kuti vanonoke kuenda kumba vachigadzirisa mazita nemapepa avo ekunyora bvunzo dzeO-Level.

Vachitaura neKwayedza, VaEdward Nyapimbi (56), vanova munyori mudare raShe Saunyama, vakati vatatu vakarwisa vadzidzisi ndiCalista Karimbika nevana vake vaviri – Peter naObert Mutanda.

Zvinonzi pavakaona mwanakomana wekumba kwavo anopinda pachikoro ichi anonoka kudzoka, vakaenda kuchikoro uku nguva dzekuma6 zuva rodoka apo vakasvikoda kuziva kuti chii chainonotsa mwana uyu.

“Amai ava nevana vavo vakasvika pachikoro apa vaine ukasha hunonzi hwaityisa. Vanonzi vakatanga nekunodzima generator raishandiswa pakuwanisa chiyedza pakugadzira mazita evana vechikoro kuchishandiswa makombiyuta. Vakazovhomora majecha ayo vakamwaya kumeso kwematicha maviri nemukuru wekomiti yechikoro, avo vose vakapindwa mumaziso ndokuchururuka misodzi,” vakadaro VaNyapimbi.

Panguva iyi, vanonzi vakatanga kurova vadzidzisi zvose nemukuru wechikoro nemutevedzeri wake, VaPercy Chihwehwete ndokubatanidzira sachigaro wekomiti yeSchool Development Committee, VaSedious Nyandura Mutenha.

“Amai ava nevanakomana vavo vanonzi vakaita sevagarwa nemhepo apo vairova vanhu nezvidhinha nechose chavaiona, kusvikira vamwe vakakuvara zvikuru.

VaChihwehwete vakatemwa kumusana vakakuvara zvekuguma vaenda kunorapwa kwachiremba,” vakadaro.

Mubatsiri waShe Saunyama, VaReason Saunyama (41), vakatsinhira nyaya iyi vachiti inopa chimiro chakaipa kunharaunda yavo.

“Vatatu ava apo vaiva mubishi kurova vadzidzisi, mumwe wavo akamhanya akatora makii epane imwe imba akaisa muhomwe ndokuzodziviswa kuenda muimba yaigara mari umo makakiiwa naVaChihwehwete zvakazoita kuti vazvambaradzwe,” vakadaro VaSaunyama.

Vamwe vadzidzisi vanonzi vakamhanyira kunozvivharira mudzimba dzekudzidzira sezvo chiitiko ichi chakavabata vasina kugadzirira.

Kuburikidza nekudzimwa kwakaita generator, rinonzi rakabva rafa.

“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuRuwangwe, vatatu ava ndokutorwa vachinobvisiswa mari yefaindi. Isu sedare takazovashevedza vakapinda mudare redu vose vakakuvadzwa ndokuunza magwaro emari dzavakashandisa pakurapwa uyewo ndokuzotarisa kuti generator raidawo marii pakurigadzirisa. Dare redu rakazovaripisa mombe ina,” vakadaro VaSaunyama.

Vanoti mari yezvimwe zvakaparadzwa nevanhu ava, kusanganisira yeavo vakarohwa vakazozvirapisa, inosvika US$760.

“Nekudaro, mombe ina idzi dzinokwanirana nezvose zviri kudiwa pakugadziriswa nekudzoserwa kwemari yakarapiswa vanhu nezvimwe,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superintendent Paul Nyathi, vakatsinhira nyaya yekurohwa kwevarairidzi vari pabasa nemhuri iyi. Pakumhan’arwa kwenyaya iyi kumapurisa, kwakangoendeswa mazita evanakomana asi raamai harina.

Vakatsinhira kuti vanhu ava vakabvisiswa faindi yemhosva yemhirizhonga.

“Vabereki havafanirwe kuenda vachinokanganisa mafambiro akanaka ebasa muzvikoro. Kana vaine kutsutsumwa, ngavaende nekuvatungamiri vakaita semasabhuku, madzishe kana makanzura kana kuvakuru vezvedzidzo. Kana zvanetsesesa ngavauye kwatiri kumapurisa pane kukonzera bongozozo,” vakadaro Chief Supt Nyathi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey