Uncategorized

Vabereki ‘vakavharwa’ mari pachikoro

09 Apr, 2021 - 18:04 0 Views
Vabereki ‘vakavharwa’ mari pachikoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

YAKAVE bata-batai paWaterfalls Primary School iri muguta reHarare apo mazana evabereki vakakomba chikoro ichi vachiti vanoda kudzoserwa mari dzavo dzechiokomuhomwe idzo dzavanoti vakabvisiswa nedzimwe nhengo dzeSchool Development Committee (SDC) vachinzi vaizowaniswa nzvimbo dzevana veGrade 1 asi ndokuzodzishaya.

Kuungana kwakaita vabereki uku kunopesana nemitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 iyo isingatendere vanhu vanodarika 50 kuungana panzvimbo imwe chete.

Pachikoro apa pakaitika zhowe-zhowe vabereki ava, avo vanoti vakatengeswa mayunofimu nekubhadhariswa mari dzechikoro, vachiti vaida kudzoserwa mari dzavo.

VaCarlington Chimbanda (39) vekuWaterfalls uye vari mumwe wevabereki ava vanoti vakasvika pachikoro apa nemusi wa22 Zvita gore rakapera vachitsvaga nzvimbo yemwana wavo yeGrade 1.

Vanoti vakanzi vaunze matsamba ekuzvarwa kwemwana uye voisa muhamvuropu umo vaizoisa US$60 yechiokomuhomwe yekuti mwana wavo awaniswe nzvimbo iyi.

“Taiva takawanda musi watakaudzwa mashoko aya tikadzokera kudzimba. Ini ndakanounza birth (certificate) remwana ndikaisa muhamvuropu nemari US$60 pamwe chete ndikapa mumwe wemukomiti yeSDC. Akati iye aiva nemukana wekuwanisa vana vatatu nzvimbo, vamwe vaiisa mari inosvika US$100 kana kudarika zvichisiyana nemunhu. Takazopihwa akaundi nhamba yechikoro tikanobhadhara mari dzefizi RTGS$1 510,” vanodaro VaChimbanda.

Vanoti ipapo vakabva vanzi nzvimbo vaiwana vakaendeswa kunotenga mayunofumi kune murume akangozivikanwa saMutsvairo.
“Ini nevamwe vabereki takabhadhara mari yose yechiokomuhomwe, neimwe yefizi kuCBZ ndokutenga mayunifomu kumurume uyu (Mutsvairo) tikanzi nzvimbo yawanikwa. Takazoshamiswa pakavhurwa zvikoro tichitaurirwa kuti vana vedu havana nzvimbo, zvikakonzera kuti tizouya pano nhasi tichiti kana pasina nzvimbo tidzoserwe mari dzedu,” vanodaro VaChimbanda.

Vamwe vabereki vakawanikwa vari pachikoro ichi vakaramba kutaura neKwayedza zvisinei nekuti vainzwika vachipopota vachiti vaida kudzorerwa mari dzavo.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Agnes Chakuvinga, havana kuda kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya iyi.

“Ini mutemo haundibvumire kuti mutaure neni asi nyaya yakadaro iripo, DSI (District Schools Inspector) vedu VaJoseph Kabasa vatombouya pano pachikoro pedu vachida kugadzirisa nyaya iyi. Vambobuda, munogona zvenyu kuvaridzira nhare kana kuvawana kumahofisi avo kwaMachipisa (kuHighfield),” vanodaro Mai Chakuvinga.

Vakataura mashoko aya vari mumusangano maivawo nemapurisa eZimbabwe Republic Police avo vanonzi vakanga vauyawo nekuda kwenyaya iyi.
VaKabasa vanova DSI wenzvimbo iyi yeHigh Glen District vanoti nyaya iyi ichiri kuongororwa.

“Inyaya yakasvitswa kwatiri sevakuru vezvedzidzo kudivi iri reWaterfalls. Pachiri kuitwa ongororo, tine nyanzvi dzatakatuma kuita nyaya iyi dzekubazi redu asi havasati vadzoka kwatiri nezvavakawana.

“Vabereki vazhinji havasi kuda kutaura zvakawanda panyaya iyi, vaingoda kudzoserwa mari dzavo chete. Zvekuti yakasvitswa kumapurisa here kana kuti kwete hatizive zviri kuvabereki vacho. Zvizhinji tichazviwana panopera ongororo yatiri kuita,” vanodaro VaKabasa.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanoti vanoda nguva yeronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links