Vabereki vavharisa chikoro

29 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Vabereki vavharisa chikoro Chikoro chakavhariswa

Kwayedza

Lovemore Kadzura

VABEREKI vane vana vanodzidza paSt Andrew’s Madziwa Primary School iri kwaMakoni vakamanikidzira kuvharwa kwechikoro ichi vhiki rapfuura kwezuva rimwe chete apo vaida kuti mukuru wechikoro ichi abviswe nenyaya yekuti ari kuramba kutambira mari yemuno yemaRTGS pakubhadharwa kwefizi nezvimwe.

Nemusi weChina wadarika, vabereki vakaungana pachikoro ichi vakaudza vana vavo kuti vadzokere kumba.

Vabereki ava vaiti vana vavo vanozodzokera kuchikoro kana mukuru wechikoro, uyo akangozivikanwa saMai Magura, achinge abviswa. Mai Magura vakanga vasipo pachikoro musi uyu sezvo vaive vabuda nebasa.

Kunze kwenyaya yemari yechikoro iyi, vabereki ava vanoti pane dzimwe nyaya dzava nenguva dziri kunetsa uye dzisina kugadziriswa pachikoro apa.

Sachigaro weSchool Development Committee yepachikoro ichi, Mai Edna Mukumba, vanoti vabereki vakazosarudza kuratidzira mushure mekunge vaona kuti zvichemno zvavo hazvisi kutambirwa.
“Vabereki vaneta nehunhu hwemukuru hwechikoro. Ari kuramba kuti mari yechikoro ibhadharwe nemari yemuno asi ndiyo iri pamutemo muno muZimbabwe. Ari kuti vabereki vabhadhare maUS$27 uye hapana mukana wekuti vabhadhare neyemuno zvisinei nekuti vazhinji havaikwanise.

“Gore rapera, kwakawedzera vana vechikoro vakaiswa kumakirasi e’special needs’ nekuti vamwe vacho vakanga vasina kupinda chikoro zvakanaka nekusauya kwematicha zvichikonzereswa nekuti mukuru wechikoro haana kuongorora zvakanaka nyaya iyi,” vanodaro Mai Mukumba.

District Schools Inspector kwaMakoni, VaGeorge Chidhakwa, vanoti kune chikwata chevaongorori chichaenda kuchikoro ichi kunoita ongororo yenyaya iyi.

“Tiri kutumira maEducation Inspectors kuchikoro ichi kuti vaone kuti chakakonzeresa izvi chii. Tiri kungonzwa kuti vanhu vemunharaunda vane zvichemo pamusoro pemukuru wechikoro.
“Ndinokwanisa kuburitsa zvakawanda kana chikwata chevanhu vakaenda vave neumboo neruzivo rwakakwana maererano nenyaya iyi. Vana vave kudzidza zvakanaka pari zvino pachikoro apa sezvo kusagadzikana uku kwakangoitika kwezuva rimwe chete bedzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>