Uncategorized

Vabereki vemukomana wekufira zamu remusikana voda mombe 40

07 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
Vabereki vemukomana wekufira zamu remusikana voda mombe 40 Mambo Chireya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ange achiita Form 3 pachimwe chikoro chiri kwaMambo Chireya, kuGokwe akafa nekuzvisungirira mushure mekubata zamu remusikana weForm 1 waaibva naye kuchikoro zvikaita kuti avhundutsirwe nevabereki achibva azviuraya.

Nyaya iyi yava mudare raMambo Chireya uye vabereki vemukomana uyu vari kuda kuripwa mombe makumi mana nevemhuri yemusikana uyu iyo vari kupomera kuti vakavhundutsira mwana wavo kuti azosvika pakufa.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mukomana uyu – uyo aigara nevabereki vake kwaSabhuku Mambomutema – aibva kuchikoro aine musikana weFomu 1 pachikoro chimwe chete apo akazotanga kumubata-bata mazamu zvinova zvisina kumufadza ndokutanga kubongomora kuchema.

Mukomana uyu anonzi akabata mazamu emusikana uyu nemusi wa28 Nyamavhuvhu apo vaiva voga vachifamba mumugwagwa.

“Musikana wekubatwa zamu anonzi akatanga kuchema achienda kumba kwavo ndokunozivisa vabereki vake avo vakazoenda kunovhundutsira mukomana uyu,” vanodaro Mambo Chireya.

Amai vemusikana uyu vanonzi vakazoenda kumukomana uyu vakanomuvhundutsira vachiti aiva akatarisana nejeri nekuda kwemhosva yekubata chibharo kana kuti aifanirwa kuripa US$3 000.

“Mukomana uyu nekutya, akasvika pakuzvisungirira. Vabereki vemukomana wekuzviuraya vanoti Dorcus Chiungwa nababa vacho vakangozivikanwa nekunzi Caston, vakazoenda kumhuri iyi vachiti vanoda kuripwa ndokuzouya kuno kudare rangu,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vabereki vemukomana uyu vakazoti vanoda mombe 40 asi dare rikaramba zvose izvi tikavati mutemo wechivanhu waingoda kuti vapihwe mombe nhatu chete idzo dzakazopihwa kunababa vemukomana, Caston, nemudzimai wavo.”

Mambo Chireya vanoyambira vezera richiri kuenda kuchikoro kuti vasiyane netsika yekumhanyira kupinda munyaya dzerudo nekuita bonde, vachiti vanofanirwa kutanga vayaruka zvizere uye vapedza chikoro.

“Rudo harutize, vana ngavamboita zvechikoro voita makosi avanoda uye votanga kushanda vozopinda zvavo munyaya dzekudanana. Mandikurumidze akazvara mandinonokera.

“Ndinotiwo vabereki nevamwe vakuru kana vana vakanganisa musavavhundutsire asi kuti tsvagai vanhu vakadzidzira basa kana vechikuru vanotaura navo zvakanaka,” vanodaro Mambo Chireya.

Share This:

Sponsored Links