Vabereki vevana 5 vakaremara votsvaga rubatsiro

14 Feb, 2025 - 15:02 0 Views
Vabereki vevana 5 vakaremara votsvaga rubatsiro Vana vakaremara

Muchaneta Chimuka

MHURI yekwaSabhuku Muregwa kwaMambo Nyajena, kuMasvingo – iyo ine vana vashanu vose vakabarwa vakaremara – iri kutsvaga rubatsiro rwekuvachengeta  sezvo vabereki vacho vakwegura nekudaro hachakwanisa kuvariritira.

VaDavid Mutekede (64) naMai Shylet Mahwela (55) ndivo vakabara vana ava vakaremara nenzira dzakasiyana avo  vanoti Sakina Mutekede (40), Ngoni Mutekede  (38), Locadia Mutekede  (35), Edwin Mutekede  (27) naTawanda anova akashaya.

Tawanda akanga ari mutevedzani naLorcadia, aisagona kufamba kana kutaura zvekare uye vese vana ava vane dambudziko renjere (down syndrome).

“Vana ava vanopisa tsitsi nekuti havakwanisi kuenda vega kuchimbuzi, vanotozviitira pavanenge vagere uye tinotyira kuti vanogona kurasika saka tiri kutogara takavasungirira pamiti, zvikuru sei kana tichida kuwana mukana wekuita mabasa emaoko sepatinoenda kunochera mvura nekuminda kunorima.

“Tinokumbira kubatsirwawo nefenzi yekukomberedza chivanze chavanogara kuti tisaramba tichivasunga netambo nekuti vanogumisira vasvuuka maoko. Tinoda kubatsirwa zvekare nekuvakirwa chimbuzi chiri nyore kuti vange vachishandisa nekuti chine gomba uye chisina pekugarira vane mikana yakawanda yekuwira,” vanodaro VaMutekede.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Mahwela vachiti dambudziko remvura rakakura munharaunda yavo izvo zvinoita kuti vawanikwe vachifamba nzendo ndefu kuenda kunotsvaka mvura kuzvibhorani zvinoita kuti vana ava vasare vasina mutaririri.

“Vana ava vatokura kuita varume vakuru nemadzimai makuru asi tinongoramba tichivatora sepwere nekuti havana chavanoziva, vanoda kubatsirwa pane zvese muupenyu hwavo. Tinovagezesa, kuvawachira, kuvapachika chikafu nekuvafungira kuti vari kurwara here kana kuti kwete tobva tanovarapisa. Saka zvinoreva kuti muupenyu hwavo hwese tinoramba tichivapepa,” vanodaro.

Mwana wemukoma wavo, Tinashe Mutukwa, anoti vemhuri iyi vari  kusangana nerusarura rwakakura munharaunda yavanogara sezvo vanhu vakawanda vasinganzwisisi zvizere pamusoro pekuremara apo vamwe vanofunga kuti pamwe vakaromba kana kuita mamwe mabasa ehushereketwa, zvinova zvisiri izvo.

“Rusarura urwu tatorwujaira saka chatava kuvavarira ndechekuti vana ava vawane rubatsiro vararame upenyu hwakangofanana nevamwe vanhu. Vabereki vavo vanhu vakwegura havana mabasa avanoita uye vanopona nekurima bedzi,” vanodaro.

Vangada kubatsira mhuri iyi, vanoridzira VaMutukwa nhare panhamba dzinoti: +263 779 499 822.

Maringe nesainzi, vana vanogona kubarwa vakaremara zvichitevera kusaumbika kwemitezo yemuviri yavo zvakanaka apo vanenge vachiri mudumbu raamai.

Izvi zvinokonzerwa nemajinhi (genes) emumuviri anenge asina kuita zvakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links