Uncategorized

Vabereki vovaka chikoro chitsva

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Memory Mangombe
VAGARI vekwaSaunyama, kuNyanga, vari kuita mushandirapamwe wekuvaka chikoro chitsva zvichitevera dambudziko rakatarisana nevana venzvimbo iyi rekufamba nzendo refu kunotsvaga dzidzo yesekondari. Muhurukuro naSabhuku Alexio Saunyama (57), vanoti vabereki vakarangana kuti vakanye zvidhinha zvekuvaka chikoro chesekondari ichi.

“Munharaunda yedu yeWard 17 mune chikoro chimwe chete chinopindwa nevana vakawanda uye vachifamba nzendo refu izvo zvinoita kuti vana vasabudirire muzvidzidzo zvavo sezvo,” vakadaro Sabhuku Saunyama.

Vana vakatarisana nedambudziko iri vanosanganisira vanogara munharaunda dzinoti Mupemba, Nyabezi, Kanyuru neNhimbura avo vamwe vavo vanofamba makiromita angangosvika gumi pazuva vachienda nekudzoka kuchikoro.

Sabhuku ava vanoti kunze kwekufamba nzendo refu kuenda kuchikoro, vamwe vana vanosangana nedambudziko rekuyambuka nzizi idzo dzinozara munguva yekunaya izvo zvinoisa upenyu hwavo panjodzi.

“Nzvimbo yedu ine zvikoro zvemabhodhingi zvakawanda asi zvinodhurira vabereki sezvo vachikundikana kuwana mari dzinenge dzichidiwa. Izvi zvinozoita kuti vana vasarudze kuenda kune zvikoro zvakareruka pamari,” vakadaro.

Zvakadaro, vanoti kune vamwe vanoenda kunoroja mudzimba dziri pedyo nemabhodhingi nekuda kwekushaya mari yekuti vagare pachikoro asi izvi zvine matambudziko sezvo vamwe vana vanopedzisira vave kuita misikanzwa.

“Zvichitevera dambudziko iri, vamwe vana vari kuzotadza kupedza chikoro mushure mekubata pamuviri uye kukundikana muzvidzidzo nekuda kwekushaya nguva yekuverenga vachiita misikanzwa,” vakadaro Sabhuku Saunyama.

“Dambudziko ratakatarisana naro pahurongwa hwekuvaka chikoro ichi ndere mabhiridha akadzidzira basa pamwe nezvekuvakisa zvakaita sesamende sezvo vabekeki vasina mari,” vakadaro.

Vakakumbira rubatsiro kune vanokwanisa kuti basa rekuvaka chikoro iri ripfuurire mberi.

Share This:

Sponsored Links