Vabirwa US$6 000 vakwira Toyota Wish yemushikashika

05 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Vabirwa US$6 000 vakwira Toyota Wish yemushikashika Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Liberty Dube

VANHU vana vakaita rombo rakaipa munguva yezororo reKirisimasi mushure mekubirwa US$6 000 nembavha dzaiva nepfuti idzo dzakavatakura nemotokari yadzo paSakubva Swimming Pool Bus Stop, kwaMutare.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanotsinhira nyaya yekubirwa uku vachiti vafambi vacho, kusanganisira VaNicholas Rukeanha (52) vekuChitungwiza, vakanzi vabvise mari nezvimwe zvinokosha zvinosanganisira mbatya, nharembozha nemabhegi.

“VaRukeanha vakakwira Toyota Wish paSakubva Swimming Pool vakananga kuBirchenough Bridge. Motokari iyi yainge ine vanhu vashanu tichisanganisiri mutyairi.

“Mutyairi akatyaira akananga kuZimunya Township uye achisvika pachiteshi, akaona kuti mugwagwa waaida kushandisa wakavharwa. Akadzokera kumugwagwa mukuru ndokusvika paMuradzikwa turn-off, ndokutyaira akananga kuBauline Abattoir achibva amisa motokari.

“Mumwe wemakororo aya akabuda pachena kuti aiva mbavha ine pfuti, akaudza VaRukeanha nevamwe vaiva mumotokari iyi kuti vavape zvinhu zvavo zvose. Akaburitsa pfuti yemhando yeCZ achibva airidzira mudenga seyambiro.

“Vamhan’ari vakatorerwa mari inosvika US$6 000 nenharembozha mbiri nebhegi raiva nembatya, zvose zvaikosha US$523. Vamhan’ari vakamanikidzwa kubuda mumotokari,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanokurudzira veruzhinji vane ruzivo rwunoita kuti makororo aya abatwe kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Zvichakadaro, mapurisa ari kutsvaga mbavha nhatu dzakaba panzvimbo yeShamhu Business Centre iri kwaOdzi, kwaMutare kwakare, dzakatiza nemari pamwe nemidziyo zvinokosha US$840.

“Makororo aya akawana vashandi vana vaive pachitoro ichi vachidya manheru. Mumwe wavo aive nepfuti uye akapfeka bhurugwa rejini dema nebhachi dema akati vanhu vese vaive muchitoro ichi varare pasi.

‘‘Akaridzira pfuti mudenga rechitoro ichi. Vamwe vake vakati vanoda mari, vasati vatora mari yese nebhokisi remari, zvese zvinokosha US$840.

“Vakavharira vashandi muchitoro vasati vanyangarika nezvinhu zvavakaba. Hapana chakawanikwa. Vashandi ava vakazokwanisa kuvhura gonhi ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Insp Muzondo.

Share This:

Sponsored Links