Uncategorized

Vechidiki nezvinodhaka

03 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Vechidiki nezvinodhaka

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rakazvimirira reShifting your mindset riri kurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki sezvo dambudziko iri richikonzera kuti vamwe vavo vapare mhosva nekukanganisa ramangwana ravo.
Dambudziko revechidiki vari kutora zvinodhaka rakawedzera nguva yadarika apo nyika yaive pasi pechirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) sezvo vanhu vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba.

Izvi zvakaona vamwe vechidiki vachitanga kutora zvinodhaka zvisingatenderwe zvinosanganisira mutoriro kana kuti gukamakafela, musombodhiya, mbanje nezvimwe.

Chamangwiza wesangano reShifting your mindset — Mai Mutsa Makaka — vanoti kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki idambudziko guru.

“Upenyu hwevechidiki huri kukanganiswa zvikuru nekutora zvinodhaka zvisingaitenderwe. Saka donzvo redu kushanda kuvabatsira nekuvaratidza gwara chairo uye tovakurudzira kuti vasiye zvinodhaka.
“Sesangano, tiri kutenderera munzvimbo dzinosanganisira Mbare, Mabvuku-Tafara neEpworth tichidzidzisa vechidiki kuti vasiye kutora zvinodhaka,” vanodaro Mai Makaka.

Vanoti kunze kwaizvozvo, vari kudzidzisa zvakare vechidiki mabasa emaoko nechinangwa chekuti vawane zvekuita uye vosiyane nepfungwa yekutora zvinodhaka.

“Rimwe basa ratiri kuita kushanda tichikurudzira vechidiki kuti vashandise maoko avo kuti vazviwanire mari. Kungoswera vakagara ndiko kwakashata nekuti kunozokonzeresa kuti vatange kubatwa nepfungwa dzekutora zvinodhaka,” vanodaro Mai Makaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey