Vadiki vanoonekwa pakunhonga nyama!

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

DAI chiri chiRungu maiti mazuva ano Mukwende Washe akagukuchira aya anonzi mavhoko, idzo dziri tsumo nenyaudzosingwi, nhapitapi zvinobva mumutauro watakapihwa naJehovha.

Hongu, pakunhonga nyama ndipo paunoona kuti uri mudiki mundiro. Kutokanganwa kuti imi vanhasi mazivira zvokuti mumwe nomumwe anopakurirwa mundiro yake, odya ari oga — kunge kunyima kana kusema, imi muchiti ndicho chimanje-manje.

Inguva, nokuti pane mazera evana vakakura vachidya vari vana kana vashanu mundiro.

Aitanga kutimba musuva wesadza aive mukuru pakati pavo. Kana musi iwoyo kuchidyiwa nenyama ndiye zvakare aitanga kunhonga nyama mundiro, vamwe motevera zvichienderana namazera enyu.

Kana vakuru vakaona kuti pangaita kubiridzirana, vaikunhongerai, asi vachiita nomutowo mumwe chete. Naiyoyi dzidziso yemagariro edu tati tiudze dzimwe nyika muAfrica vanoda kutarisira mutungamiri wenyika yeZimbabwe Cde Mugabe kuti tave kukuzivai kuti muri pwere dziri kubuda mukaka pamhuno nokuti kwatinokubatirai kundiro kwatinenge tave kunhonga nyama. Ndimi munopedzisira, vakuru vanhonga kare kare.

Zimbabwe yakanhonga kare kare, ndosaka yave kutonga dunhu rekuchamhembe kweAfrica, reSadc neAfrica yose.

Zviya zvakaonekwa nevaimbi vechikwata cheRunn Family vachishuvira mutungamiri wenyika upenyu hurefu: “Ishe komborera President Mugabe; merimwe zuva vachatonga Africa yose”. Ndizvo zvavari kuita izvozvi. Saka musarambe kuti muri vadiki nokuti tinokubatai pane zvakakosha – pakunhonga nyama mundiro!

Hupwere hwacho hwakatanga munaNdira kuZambia pakatora President Edgar Lungu mhiko. Pane kachikwata kawaiona kuti kari kusundwa nemimvuri kachienda kunoratidzira kuhotera kwaigara President Mugabe.

Kaive kachikwata kaisvotwa kuti pamusana pei President Lungu vakahwina, nokuti vaida kuti muzvinabhizinesi Hichilema Hakainde atonge. Saka shungu dzakapedzerwa pana President Mugabe.

Ndizvo zvakaitwa netuvatapi twenhau kunyika yeNigeria, twesangano reSahara News. Twakamomotera President Mugabe musi weChishanu svondo rapfuura paitora President Muhammadu Buhari mhiko twuchibvunza mibvunzo yatsuro nagudo, nerimwe divi uchiona kuti kutsvaga mbiri yechitsiga chete chete nokuti pane vatwakatsamhirana navo.

Handiti gurukota rezvokunze rekuUnited States of America, VaJohn Kerry, vakange varipowo pagungano racho? Vaifanirwa kuratidzwa kuti mari yavanopa Sahara News haienderi nhando!

Ndozvazvinoita kana uri mutengesi. Dhimoni racho rinobuda kana pazere vanhu.

Asika, munyika yave pamusoro pedzose muAfrica panyaya dzoupfumi, vatapi veSahara News vakanyadzisa nyika yavo Nigeria, uyewo vakanyadzisa Africa yose, vakabvisa mutungamiri mutsva VaBuhari chimiro.

Kubva pachigaro kwaPresident Mugabe ndiwo mubvunzo chete here? Ko kubvunzawo kuti sezvo vari ivo sachigaro weAfrican Union nyaya yemagandanga eBoko Haram apedza vanhu yopedzwa sei sezvo vakauraya zvakare vanhu pamuchato President Buhari vachitora mhiko?

Zvimwe chete nanaDr Joice Mujuru nechikwata chavo. Kaitiro kavari kuita ndekomunhu ashaya anotsvaga uta nomugate. Zvave pachena kuti vaita pwere dzinoonekwa pakunhonga nyama mundiro. Kugara muZanu-PF kwemakore ose aya, modya mafuta ayo, asi mazoitwa aziva kwake, aziva kwake mave kukumbira vanhu ruregerero rwokuti dai zvangu ndakange ndisimo.

Kana chiri chokwadi chakataurwa nemapepanhau musi weChipiri kuti makakumbira ruregerero, hazvishamisi kuti mumwe musi tichanzwa mave kuti dai ndakaziva ndisina kunorwa hondo yerusununguko kuMozambique.

Vanhu vanokosha chete mave kuda kunzwirwa tsitsi nokutsvaga rutsigiro? Taifunga kuti Chimurenga chakarwirwa vanhu kwete kunzwa vanhu vakachirwa vave kuti muna2015, mushure mamakore 35 okuwana rusunhunguko, “People First” (Vanhu pamberi).

Zvinobva zvangotaura kuti makamboita zvenyu, uyewo kuti makatanga maruka upfumi hwenyu vanhu vasina.

Share This:

Sponsored Links