Vadira ‘maid’ mvura inopisa kusikarudzi

30 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Vadira ‘maid’ mvura inopisa kusikarudzi Thembelani Moyo nemudzimai wake, Sibongile Mpofu

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME nemudzimai wake vekuFilabusi vanonzi vakasunga musikana wavo webasa ane makore 19 okuberekwa necheni, ndokumurova nekumudira mvura inopisa kusikarudzi yake mushure mekumufungira kuti akanga avabira US$200.

Thembelani Moyo (28) naSibongile Mpofu (28) – avo vanogara mubhuku maVukuzenzele, kuFilabusi uye vachishanda paSenga Hill Mill Mine – vanonzi vakakatyamadzika nemusi weGoredzva apo vakaona kuti US$200 yavakaisa muwodhiropu mavo yainge “yamera makumbo” isisimo.

Vakabvunzisisa musikana wavo webasa (zita tinaro) asi akaramba achiti akanga asina kumboona mari iyi.

Kuramba kwake kunonzi kwaita kuti vaviri ava vaite hasha dzakanyanya ndokutanga kumurova nechese chavaikwanisa kubata panguva iyi.

Thembelani Moyo anonzi akatanga kurova musikana uyu, ukuwo mukadzi wake achimurova nebhutsu nezvibhakera. Achiona kuti akanga atarisana nerufu, musikana webasa uyu akatanga kudura zvose.

Akaudza vaviri ava kuti ndiye akatora mari iyi uye akashandisa US$169 ndokusara neUS$31 iyo yaakabva avapa.

Muvakidzani wavo, Simangaliso Moyo, anonzi akasvika ndokupindira nyaya iyi achirova musikana uyu nechamboko apo akanga akasungwa.

Kurohwa kwemusikana uyu kunonzi kwakawedzera apo Mpofu akazofashaidza mvura pamoto, ndokuidira kunhengo dzakavandika dzemusikana uyu, uyo akanga ava pedyo nekufa.

Mpofu anonzi akaudza musikana uyu kuti zvaakaita zvazoita kuti asashinhe nemurume zvakare.

Mushure mekurova musikana uyu zvakaipisisa, Thembelani Moyo nemudzimai wake vakavhara nyaya iyi nekumhan’ara kumapurisa vachiti vakabirwa zvikazoita kuti asungwe.

Zvisinei, kuenda kwakaita musikana webasa uyu kudare pamberi pemutongi VaAbednico Ndebele, uko akabvuma kuti akaba, kwakavhura zvakawanda zvainge zvakavanzika kune murume nemukadzi vaaisevenzera ava.

Thembelani Moyo akaudza dare kuti vakamusunga necheni kuti asatize.

VaNdebele vakati musikana uyu anofanirwa kuonekwa nachiremba uye akanzi anotongwa achibva kumba.

Apo akanga achitongwa achibva kumba, musikana uyu akabva amhan’arira vaviri ava naSimangaliso Moyo nemhosva yekumurova nekumupisa nemvura kusikarudzi yake.

Umboo hunoratidza kukuvara kwakaita musikana uyu paakadirwa mvura inopisa hwakaburitswa mudare.

Mutongi Ndebele vakatongera musikana uyu kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu pamhosva yekuba.

Mwedzi mina yakasendekwa padivi nechitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu kwemakore mashanu uye mwedzi yaive yasara yakaiswa padivi zvekare nechitsiidzo chekuti anofanirwa kuripira vamhan’ari $169 yaakaba.

Thembelani Moyo nemudzimai wake pamwe naSimangaliso Moyo vakazosungirwa mhosva yekurova musikana uyu uye vakamiswa pamberi pemutongi wekuFilabusi, Sukoluhle Belinda Nunu, nemusi weChitatu chapfuura.

Mutongi Nunu akati vatatu ava vatongwe vachibva kumba mushure mekubhadhara mari yebhera inoita $40 000 pamumwe nemumwe wavo uye vachadzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>