Vadzidzi vachiri vakachengetwa

28 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Vadzidzi vachiri  vakachengetwa VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VADZIDZI vekuzvikoro nemakoreji avo vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa vacharamba vari kuzvikoro zvavo panguva ino yezororo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Kunyangwe zvazvo huwandu hwevadzidzi vakabatwa vaine chirwere ichi husina kuzivikanwa, vadzidzi vane chitsama vanonzi vachiri kuchengetwa muzvikoro nemakoreji zvichiteverwa kuvharwa kwazvakaitwa nemusi wa17 Zvita.

Munyori mukuru kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – Professor Fanuel Tagwira – vanoti zvakakosha kuti zvikoro nemakoreji zvitevedze nemazvo matanho ezveutano ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Pari zvino handikwanise kudoma huwandu hwevadzidzi vekumakoreji nekuti huwandu hwacho hunosanduka-sanduka mazuva ose, asi pachine vamwe vadzidzi vachakachengetwa kwavo voga,” vanodaro.

“Pane matanho akatorwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere ichi kunharaunda. Tiri kushanda nemaPMDs (Provincial Medical Directors) uye vari kutibatsira zvakanyanya panyaya iyi.”

Mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro vanoti zvikoro zvebhodhingi ndizvo zviri kushandiswa senzvimbo dzekuchengetera vadzidzi vakawanikwa vaine Covid-19.

Hurumende iri kutora matanho akasiyana-siyana ekudzivirira kupararira kwedenda iri ayo anosanganisira kubvumidza kubaiwa nhomba kwevane makore 14 kusvika 17 okuberekwa pachishandiswa mushonga weSinovac vaccine.

Zvisinei, Zimbabwe iri kuona kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe nevari kufa kubvira masvondo mashoma adarika.

Svondo rapera, vanhu vanodarika 90 vakafa apo vamwe vanodarika 11 000 vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Zvichakadai, zvikoro zvichavhurwa nemusi weMuvhuro unouya kuvadzidzi vari kunyora bvunzo dzeO- neA-Level zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mazamanishoni aya apo zvakavharwa nemusi wa17 Zvita.

Vabereki vari mushishi kugadzirira kuenderera mberi kwekunyorwa kwebvunzo idzi pamwe nekuzovhurwa kwezvikoro nevamwe vadzidzi vose nemusi wa10 Ndira.

Vadzidzi vakatanga kunyora bvunzo dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) nemusi wa22 Mbudzi uye vanotarisirwa kupedza mukupera kwaNdira.

Share This:

Sponsored Links