Vadzidzi vowana masaisai epachena

10 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Vadzidzi vowana masaisai epachena Dr Muswere vari kuruboshwe vachiparura muzinda weCommunity Information Centres kuGlen Norah

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA reposvo nedzinhare, Dr Jenfan Muswere, nemusi weChipiri vakaparura mizinda gumi inoona nezvekufambiswa kwemashoko munharunda (Community Information Centres) (Zimpost) munzvimbo dziri muguta reHarare izvo zvichaona vechidiki, kunyanya vana vechikoro, vachibatsirika apo vanoita tsvakurudzo yezvakasiyana zviri maringe nedzidzo.

Dzimwe dzenzvimbo dzakaparurwa mizinda iyi dzinosanganisira Mt Pleasant, Emerald Hill, Causeway, Malbereign, Kambuzuma, Highfields, Glen Norah uye Glen View.

“Chirongwa cherudzi urwu takambochiparura kumaruwa kuti vagari veko vawane nzira dziri nyore dzekufambiswa kwemashoko pachena sezvo vachiwaniswa masaisai eWifi pamizinda yeZimpost. Iko zvino tachiparura muguta reHarare pamizinda gumi uye tinovimba veruzhinji vachashandisa mukana uyu nemazvo.

“Masaisai eindaneti aripo pachena kuti vana vechikoro nevamwe vagari vemunharaunda vange vachimachandisa kwete mukupara mhosva asi mukuita zvinovapa chouviri. Kuvana vechikoro, tinoti ndiwo mukana wekuti mupase dzidzo yenyu nekuti ongororo dzese munodziita pamasaisai pasina kudhurirwa saka chitsvambe chava kwamuri,” vanodaro Dr Muswere.

Vanoti Hurumende inoda kuti izadzikise zvinangwa zveSustainable Development Goal 1 uye Vision 2030 munyaya dzekufambiswa kwemashoko, kusimudzira dzidzo nemabhizimusi.

“Ngatisiyanei nekushandisa indaneti muzvinhu zvisina maturo nekuti kunyangwe matsotsi chaiwo ari kushandisawo indaneti mukupara mhosva saka tinofanira kungwarira mabasa ese atinoisa paindaneti. Kuburikidza neindaneti, zvinhu zvizhinji zvinobva zvaita nyore.

“Zvinhu zvine chekuita neupenyu hwako wakazvimiririra kana uchinge wazviisa paindaneti chiona kuti zvakachengetedzeka nokuti kana zvikazosvika kune veruzhinji munhu wese anozviona uye zvinogona kushandiswa neimwe nzira pova nekutyorwa kwemitemo,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti kune mitemo yeCyber Crime inosunga vapari vemhosva dzine chekuita nekufambiswa zvisiri izvo kwemashoko paindaneti zvakadai semashoko anotukirira vamwe kana kudzikisira, kutumira zvinyadzi nekushoropodza Hurumende, pakati pedzimwe mhosva.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise mizinda yeCommunity Information Centres iyi sezvo isingabhadhariswe mari uye ine masaisai epachena akamirira kushandiswa nevanhu vemazera ese.

Chirongwa ichi, chinova chakaparurirwa kuGlen View Shopping Centre, chakakapindwa nevadzidzi vemuzvikoro, vamiriri vemapoka anosanganisira NetOne, Telecel, Potraz neEconet.

Share This:

Sponsored Links