Uncategorized

Vadzidzi zvibatei: ED

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vadzidzi zvibatei: ED

Kwayedza

MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanoti Hurumende inoshushikana nekushaya hunhu uye kusazvibata kuri kuitwa nevamwe vadzidzi, zvikuru vekumakoreji nemayunivhesiti, sezvo maitiro akadai achigona kukanganisa remangwana ravo.

Vakataura mashoko aya vari kuHarare International Conference Centre (HICC) pagungano revadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti svondo rapera.

“Hurumende iri kushushikana zvakanyanya nekushaya hunhu pamwe nekusazvibata kwevamwe vadzidzi izvo zvine njodzi kuutano hwavo. Mamiriro ezvinhu aya haafanire kuramba achienderera mberi.

“Ndinokukurudzirai kuti muzvinzvere muzive chakanaka nechakaipa, chokwadi nemanyepo musati matora matanho anogona kukanganisa upenyu neremangwana renyu. Dzidzo yamunowana inofanira kukubatsirai kuchengetedza hunhu hwedu senyika uye tsika nemagariro akanaka,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti Hurumende icharamba ichivandudza chirongwa chekubatsira vadzidzi vanoshaya nekuvawanisa mabhezari kuitira kuti vakwanise kuita madhigirii anosimudzira upfumi hweZimbabwe.

Vamwe vevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vakasangana naPresident Mnangagwa muHarare svondo rapera — Mufananidzo naJohn Manzongo

“Apo tinoramba tichiwaniswa mabhezari kubva kune dzimwe nyika dzatinoshamwaridzana nadzo, Hurumende kubva zvino, ichaona kuti mabhezari aya apihwa kuvadzidzi vanoda kuita madhigirii ane hunyanzvi hwatinoda pari zvino uye mune remangwana,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti mwedzi wadarika vakavhura zviri pamutemo muzinda weInnovation Incubation Hub paMidlands State University apo vakakurudzira zvikoro zvedzidzo yepamusoro kuti zvitsigire nyaya dzekuita tsvakiridzo nekuve nezvigadzirwa zvitsva.

Vanotizve Hurumende ine matanho akasiyana airi kutora nedonzvo rekutsigira budiriro yedzidzo yepamusoro.

“Matanho aya anosanganisira kupa chikamu chemari che1 percent cheGross Domestic Product (GDP) kuti chishandiswe munyaya dzeongororo nebudiriro.

“Zvave kwamuri imi vadzidzi kuti muvandudze mufungo wenyu uye muve nepfungwa dzekuramba muchida kudzidza kuburikidza nekuverenga nekunyora kuitira kuti mufambirane nenguva,” vanodaro President.

Vanoti Hurumende ine ruzivo ruzere pamusoro pezvinodiwa nemayunivhesiti nemakoreji kuti vadzidzi vave nefundo inovapa pundutso izvo zvinosanganisira kuva nepekudzidzira pakakodzera, laboratories, libraries, kubatsira panyaya dzeutano pamwe nenhandare dzekuitira mitambo.

“Nekuda kweizvi, Hurumende yedu muna Kurume yakaita musangano wakabudirira zvikuru weHigher and Tertiary Education Infrastructure and Investment Conference uyo wave kutanga kuratidza zvibereko zvawo. Tiri kutarisa zvakare nzira dzakasiyana dzekubatsira makoreji nemayunivhesiti nemari yebudiriro.

“Chishuviro chedu kuti matanho atiri kutora aya achavandudza zvikoro zvedu zvedzidzo yepamusoro kuti zvive padanho rakafanana nezvimwe zvepasi rose kuitira kuti vadzidzi vedu vafunge nezvefundo chete pasina chinovakanganisa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links