Vafa neCovid-19 vowanda

15 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vafa neCovid-19 vowanda

Kwayedza

Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vafa neCovid-19 muZimbabwe hwakwira kuenda pa19 kuchiti vawanikwa vaine chirwere ichi vava 1 034.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nebazi reutano nekurerwa kwevana nezverufu rwemunhu mumwe chete wekudunhu reMidlands nemusi weMuvhuro.

Zimbabwe kusvika pari zvino yava nevanhu 1 034 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pahuwandu uhu, 343 vavo vakatonaya.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vane Covid-19 vanova 318, richiteverwa neBulawayo (188) kwozouya Matabeleland South (159).

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa vaine chirwere ichi vanova 11.

“Kubvira pakatanga Covid-19 musi wa20 Kurume 2020 muno, huwandu hwevanhu vane chirwere ichi vava 1 034, vakanaya i343 uye 19 vakafa,” rinodaro bazi iri.

Vanhu 91 103 vavhenekwa Covid-19 munyika yose kusvika pakutanga kwesvondo rino.

Kusiyana nenguva yadarika apo vanhu vakawanda vaiwanikwa vaine Covid-19 vainge vabva kunze kwenyika, pari zvino pane nyaya dzakawanda dzekutapuriranwa kuri kuitwa chirwere ichi munharaunda dzemunyika muno.

Izvi zviri kuona Hurumende nemapoka akasiyana vachishanda pamwe chete kusimbaradza chikamu chezveutano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19. Boka riri kutungamira zvirongwa zvekurwisa Covid-19 reAd hoc Inter-Ministerial Taskforce nemusi weMuvhuro uno rakaita musangano wekutsvaga mazano ekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Kunyangwe zvazvo boka iri rakaona kuti pari zvino pane hurongwa hwekurwisa chirwere ichi, rinokurudzira zvinhu zvakatsaukana kuti zviitwe.

Izvi zvinosanganisira kuongororwa kwakasimba kwenharaunda maringe neCovid-19 uye kuvepo kwepekugara kwenguva duku kwevanhu vari kubva kunze kwenyika panguva iyo vanenge vachivhenekwa kuti havana chirwere ichi here.

Panguva imwe cheteyo, veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasafambe-fambe zvisina tsarukano, kusaita chitsokotsoko uye kugara vakapfeka mamasiki senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere chisati chawanirwa mushonga pasi rose ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey