Uncategorized

Vafa neCovid. . . Zim inhamba 2 muSADC

07 Jan, 2021 - 00:01 0 Views
Vafa neCovid. . . Zim inhamba 2 muSADC

Kwayedza

Tandayi Motsi
ZIMBABWE yave panhamba yechipiri pavanhu vafa nechirwere cheCovid-19 mudunhu reSADC apo kusvika nemusi weChipiri svondo rino huwandu hwevashaika nedenda iri munyika yose hwange hwasvika pa418.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana maererano nechirwere ichi anoratidza kuti vanhu 17 194 vabatwa nehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 11 813 vakatopona.

Nemusi weChipiri bedzi, vanhu 34 vakafa mukati nemaawa 24 neCovid-19 hunova huwandu hwakakwira zvakanyanya kana zvichitariswa kubvira pakatanga chirwere ichi munyika muno munaKurume wegore rapera.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 muZimbabwe huri kukwira zvakanyanya zvakare kana zvichienzaniswa nenguva yadarika sezvo nemusi weChipiri uyu bedzi, vanhu 1 365 vakawanikwa vaine denda iri.

Pavarwere 1 365 ava, 777 vavo vagari vemuHarare – izvo zvabva zvaita kuti guta guru reZimbabwe iri rinyatsova mwongo wechirwere ichi muno.

Panyaya yehuwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19, Zimbabwe iri kutevera South Africa mudunhu reSADC.

Vanhu vafa nechirwere ichi kuSouth Africa vanosvika 30 011 apo vamwe 1 113 349 vakabatwa nacho.

Zambia iri pechitatu nevanhu 384 vafa neCovid-19 kubva pavarwere 21 230 kuchiti Namibia ine vanhu 24 654 vawanikwa vaine Covid-19 uko 193 vakafa.

Svondo rino richitanga, Zimbabwe yange iri pachidanho chechitatu – pasi peZambia – pavanhu vafa neCovid-19.

Asi nekuwanda kwevari kubatwa nekufa nechirwere ichi muno, nyika ino yakwira pavanhu vatorerwa upenyu hwavo nechirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose ichi.

Eswatini ine varwere 9 711 uye vamwe 167 vafa nacho, kwouya Mozambique ine vanhu 18 968 vane Covid-19 apo 162 vakatofa.

Botswana ndiyo ine vanhu vashoma vafa nechirwere ichi muSADC vanova 40 kubva pavarwere 14 805.

Hurumende yeZimbabwe iri kutora matanho akasimba ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosanganisira chirongwa chekuti vanhu vambogara kudzimba kwemazuva 30 (lockdown) asi vanoita mabasa akakoshesesa bedzi ndivo vari kutenderwa kushanda.

Share This:

Sponsored Links