Vahosi nanyachide vokikiritsirana murume

03 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
VAHOSI nanyachide vose vakademba mudare vachipomerana mhosva yekutorerana murume zvose nemusha. Shilet Rugare akamhan’arira vahosi vake pabarika, Stella Togo, kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo. “Mambo wangu, ndaimbogara kusitendi kwangu nemurume wangu asi nokuda kwokuti uyu mukadzi wemurume wangu andishaisa rugare, akandidzinga pamba pandakavaka. Iko zvino ndakatozotsvagirwa kumwe kwekugara nemurume wangu iri nzira yokuchengetedza runyararo,” anodaro Rugare.

Anoti Togo anomurova.
“Vakandidzinga pamba mushure mekunge vapaza kebhini nedombo.
‘‘Pandaigara ipapo, vaipota vachindirova, ndozvakazoita kuti nditsvagirwe kwekugara nemurume.
“Vari kundityisidzira zvokutoti ndava kutoshaya mufaro, hanzi ndikangokuona uine murume ndinokutyora makumbo uye havadi kuti ndifone pafoni pemurume vanobva vatanga kunditukirira. Apa vanomuudza kuti andirambe,” anodaro.

Togo anopokana nezvaitaurwa naRugare.
“Imba iyi haisi yake, ndakaenda kumusha kwomurume vamwene varwara ndokudzoka uyu agere apa atora murume wangu zvose nemusha. Imba iyi ndini ndakatoshingirira sezvo mazuva iwayo murume aisashanda uye zvemhirizhonga zvaanoreva inhema. Pandakamuona pamba apa ndakangotema danda rimwe pakebhini kuti abve pamba pangu,” anodaro.

Togo anoti akarwadziwa zvikuru nezvakaitwa nemurume wake kuti paakaenda kumusha kunopepa vamwene vake vairwara, akadzoka akawana ave nemumwe mudzimai.

“Ndakarwadziwa chaizvo, kuchengeteswa amai vasiri vangu ndodzoka kudhorobha wanei patove nemumwe mukadzi?
Apa zvose zvaari kutaura kunyepa, kana kuvaka imba ari kunyepa hapana chake.

“Andishungurudza mwana uyu. Handina dambudziko hangu pakudanana kwake nemurume wangu asi paimba hapana chake, haangatore zvose,” anodaro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Rugare gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links