Vahosi vobatira nyachide banga

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Vahosi vobatira nyachide banga

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUDZIMAI nyachide pabarika akazopotera kudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare navahosi avo vaanoti vanoenda kumba kwake vakabata mapanga vachiti vanoda kumuuraya.

Tsungai Manyawa akadhonzera maiguru vake Magret Arufaneti kuHarare Civil Court achivapomera mhosva yekumushungurudza. “Amai ava vandishaisa mufaro, anondituka zvinyadzi uye kundishaudha pazere vanhu zvekuti ndinotonyara. Ane tsika yekuuya kumba nguva dzaenda uye kusvikoita ruzha nekugwejenura magonhi achikanda matombo anotema imba yangu,” anodaro Manyawa.

Anoti Arufaneti anogara achimutyisidzira kuti achamuuraya.

“Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti amai ava vanogara vachindityisidzira kuti vachandiuraya.

‘‘Mumwe musi akambouya nemapanga maviri achiti anoda kundiuraya saka ndazouya kuno kuti ndibatsirwe,” anodaro Manyawa.

Arufaneti anopikisana nemashoko aManyawa achiti: “Anonyepa mukadzi uyu. Handina kumbobvira ndaenda kumba kwake uye kugwejenura magonhi. Mukadzi uyu ari kugara nemurume wangu uye mhirizhonga yese yakatanga apo ndakaenda kudare remendenenzi kuti murume achengete vana, kumba kwake handiendeko ini,” anodaro.

Manyawa anobva amugamha achiti ari kunyepa.

“Anonyepa, ndakatomboenda kumapurisa nekuda kwenyaya dzake nekuti anoti ndiri pfambi yemurume wake, ngaasiyane neni chete,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Manyawa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>