Vahosi vopomerwa kuroya nyachide

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

VAHOSI vekunangwa kunzi vari kuroya nyachide pabarika ravo vakazokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Scholastic Chiduku akaendesa murume wake Fungai Chiduku kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza nekumupomera mhosva yekuti ari kuroya mudzimai wake mudiki.

“Changamire, ndauyawo nababa ava kuno kuti ndibatsirwe, ndanzwa nekushungurudzwa. Vanondituka zvinyadzi pamberi pevana uye pana amai vangu. Vakatiza pamba makore 8 apfuura asi vave kuuya vachiita zvavanoda pamba. Izvozvi vakatora gwaro remuchato wedu handizive kuti vanoridii,” anodaro.

Anoti Fungai ave kuti ari kuda imba yekuti agare nemumwe mukadzi wake.

“Ava kuuya achiti anoda imba ini ndakamuti kana uchida kudzoka kuzogara huya wega kwete nemukadzi wako.

‘‘Anondipomera mhosva yekuroya mukadzi wake nemwana achiti ndiri muroyi wemakoko. Ndinoda kuti amiswe zvese izvi ndigogara murunyararo.” anodaro Scholastic.

Fungai anoramba mashoko ari kutaurwa nemudzimai wake.

“Amai ava vanonyepa, ini handimushungurudze uye mukadzi waari kutaura handina.

‘‘Ehe, gwaro remuchato ndakatora ndikaenda naro kupurazi kwandinogara sezvo mukadzi uyu akandidzinga pamba muna 2004. Ndiye akatondiramba kwete zvaari kutaura izvi. Mupei gwaro raari kuda racho,” anodaro nehasha.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Scholastic gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links