Vahosi vosuwa murume

23 Sep, 2021 - 12:09 0 Views
Vahosi vosuwa murume

Kwayedza

Danisa Masuku

MUDZIMAI ane makore 42 okuberekwa wekuBulawayo, anove vahosi, akadhonzera murume wake kudare redzimhosva achida gwaro redziviriro apo aiti anomunyima bonde, kumurova nekumutukirira nguva nenguva.

Rutendo Mtungwazi (42) ari kurarama upenyu hunorwadza zvikuru nekuda kwechipari chemurume wake, Nhamo Mtungwazi (54), uyo waanoti ari kumunyima bonde sezvo ari kusarudza mukadzi wechidiki uyo akabva mukuroora.

Kubvira mumwedzi waKubvumbi gore rapera kusvika iko zvino, murume wake anonzi haasi kumupa bonde uye paanenge ava kufunga kuti chava chijana chake, anobva atanga kutaura kuti akaneta kana kuti haasi kunzwa mushe.

Chinhu chikuru chaanoziva ndechekuti murume wake achakagwinya kuti ange achiita bonde nekuti mudzimai mutsva waakaroora atova nepamuviri.

Kana Rutendo akaedza kuti ange achikurukura naye, anobva atsamwa uye dzimwe nguva anotomurova nokudaro akasara asina rimwe zano asi kuenda kudare.

“Ndiri kutsvaga gwaro redziviriro kubva kumurume wangu uyo anondishungurudza nenzira yekundinyima bonde, kunditukirira pamwe nekundirova. Murume wangu haacharara neni nekuti ava kusarudza kuita bonde nemudzimai wake wechidiki.

“Kana achinge auya kuzorara mumba mangu, anotanga kutaura kuti haasi kunzwa zvakanaka kana kuti akaneta asi anotorara nemudzimai wake mudiki uye akatokwanisa kumuitisa nhumbu.

“Ndakamboedza kutaura naye asi anotanga kutsamwa achinditukirira uye dzimwe nguva akambondirova nembama achinditi ndiri mudzimai anonetsa,” anodaro.

Nhamo haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake panyaya iyi.
Mutongi Jeconia Prince Ncube vakapa Rutendo gwaro rechengetedzo kubva kumurume wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey