VaHwesa tinorara nevanasikana vedu: Mambo

06 Sep, 2022 - 19:09 0 Views
VaHwesa tinorara nevanasikana vedu: Mambo Mambo Katerere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HUMAMBO hwekwaKaterere hwevanhu verudzi rwevaHwesa vanowanikwa kudunhu reNyanga North, kuManicaland hunonzi hunosimbiswa apo mambo anoshinha nemwanasikana wake, hanzvadzi kana tete.

Mambo Katerere – VaClepaton Chifodya – vanove vechigumi nesere pakugarwa kwehushe uhwu, uho hunonzi hwakatanga makore ekuma1400 kusvika kuma1700, vanotsinhira tsika yekuti humambo hwavo hunosimbiswa nekushereketa nemwanasikana, hanzvadzi kana kuti madzitete.

“Isu tiri vaHwesa vanaChiwambu, tinoyera mbeva iya ine mutsetse pamusana inonzi mhoni. Tateguru wedu Dembetembwe kana kuti Chikokoto akabva kuMbire aine vana vake vakomana vatanhatu ndokuuya kuno kuNyanga.

“Vanakomana ava vakazotanga kurwisana nekuda kwehushe uhu. Mambo wedu wekutanga ndiSamawanga, koitawo Samanga, Mukoka, Chikumbirike, Chimucheka, Nyamande, Nyamubuwe, Chimombe, Njanji nevamwewo,” vanodaro Mambo Katerere.

Dzimba dzinogara hushe hwekwaKaterere inhatu dzinoti Chifodya iyo ine hushe huripo izvozvi, Mbudzi neyekwaNyamhute.

“Hushe hwedu hwekwaKaterere tine tsika yekuti madzimambo edu kana vakura, vatinodaidza kuti vaShawara kureva kuti vanenge vasvika makore ari pakati pe70 ne80, mambo anoshinha nemwanasikana vake, nehanzvadzi yake kana natete. Izvi zvinoitwa paine madzitete edu vachiona, asi zvinoitwa muchivande,” vanodaro Mambo Katerere.

Vanoti parudzi rwavo, wose anogara hushe anofanirwa kunge akachecheudzwa.

“Imwe tsika yedu yechiHwesa ndeyekuti munhu wose anofanirwa kunge akachecheudzwa. Asi panyaya yekuti mambo ashinhe nemwana wake, hanzvadzi kana tete, vanogona kunge vasina kuroorwa kana vakaroorwa.

“Kana akaroorwa, tinoenda kunotaura nemukuwasha oziviswa danho iri, achizoripwa mombe nemadzitezvara ake kuti mambo vanoshinha nemudzimai wake,” vanodaro Mambo Katerere.

Vanoti vanasikana ava, hanzvadzi kana madzitete vanoshevedzwa kuti vanasamukadzi uye vanoremekedzwa zvikuru mutsika dzehushe hwavo.

“Mambo kana angoshereketa nehanzvadzi kana tete vake, haachabvumidzwa zvakare kushinha nemumwe mudzimai, kusanganisira mudzimai wake wemumba chaiye. Iye hanzvadzi kana tete vanenge vashinhwa navo namambo vanozokudzwa mudzinza redu vachibata mabasa emhiko dzepasi dzedunhu redu,” vanodaro.

Mambo Katerere vanoti kushinha nemwanasikana, hanzvadzi kana tete uku kunoitwa kamwe chete bedzi zvobva zvaregerwa.

“Chimwe chivanhu chedu chinosanganisira kusapfeka zvipfeko zvemukati kuvarume nemadzimai panguva yatinenge tichiita chivanhu chakasiyana chinosanganisira kurova makuva, kuita mapira nekuviga madzishe.

“Panyaya iya yekuti mambo ashereketa nehanzvadzi kana tete vake, kana azofa mweya wake unozosvika semhondoro.”

Mambo Katerere vanotiwo mukuwasha ane mudzimai anenge ashinhwa naye namambo anogona kupihwa mumwe mukadzi kana kuti bondwe.

Vanotizve hushe hwekwaKaterere hunogadzwa naSadunhu Sachiwo avo vanotungamirira chivanhu chose chehumambo hwavo.

“Kushinha nevana vedu kana hanzvadzi nemadzitete kwatiri haasi makunakuna asi kuti itsika dzedu. Patsika dzedu kuno tine nzvimbo dzatinokoshesa semakomo anoyera, madzishe edu tinoaviga husiku munhu wose asina kupfeka zvipfeko zvemukati,” vanodaro mambo ava.

Vobvunzwa kuti izvi vanozviitirei, vanongoti, “ndidzo tsika dzavo”.

Share This:

Sponsored Links