Uncategorized

Vaida kudya mwana masikati machena

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Vaida kudya mwana masikati machena Insp Kakohwa

Kwayedza

Cletus Mushanawani

YAKAVE batai-batai murukisheni rweSakubva, kwaMutare, svondo rapera apo vasikana vechidiki vatatu vanonzi vakazama kudzipa mwana ane makore matatu ekuberekwa vachida kumuuraya pamwe nekudya nyama yake zuva rakacheka nyika.

Vatatu ava vanosanganisira ari kuita Fomu 1 nevaviri veGiredhi 7.

Amai vemwana uyu ndivo vakazomununura apo vanasikana vatatu ava vainge vakatomudzipa.

Kwayedza payakashanyira nzvimbo yeMcgregors neNHB kuSakubva, yakawana mhomho yevanhu vari mumugwagwa vachitsvaga kwainge kwaenda vasikana vatatu avo vanonzi vakatizwa navo neimwe mota.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vevanasikana ava pamusoro penyaya iyi uye vamwe vemhuri dzavo vakaramba kutaura apo vaidongorera nepamahwindo.

Asi, amai vekamwana kekuda kuitwa zvinorova — Muzvare Talent Jemandega — vanoti vakakanganiswa zvakanyanya nechiitiko ichi uye vaisvimha misodzi pavaiitwa hurukuro navo neKwayedza.

Vanoti mwanasikana wavo akapotsa afa kunyangwe zvazvo asina paakakuvadzwa.

“Mumwe wevakarwisa mwana wangu muvakidzani wedu. Tagara pamba apa kwemwedzi mishanu yadarika uye hatisati tamboona vanasikana ava vachiita hunhu hwakaipa.

“Vanasikana vatatu ava (mazita avo akachengetedzwa nekuda kwezera ravo) vakasvika paive nemwana wangu apo aitamba nevamwe kunze kwemba yedu ndokubva vataura naye. Ndinonzwa kuti vaive vatatu, asi vaviri ndivo vakarwisa mwana wangu.

“Zvakashamisa munhu wose aivepo kunzwa kuti vanasikana ava vakati inhengo dzechechi yepasi pemakuwa,” vanodaro Muzvare Jemandega.

Vanoenderera mberi: “Muvakidzani wangu akaona zvaiitika ndokundishevedza sezvo ndaive mushishi yekuita mabasa epamba. Mumwe wavo akapotsa nepadiki adzipa mwana wangu kusvika pakufa. Ndakaedza kumudhonzera kure asi akaramba akadzipa mwana wangu pahuro zvakasimba achishevedzera kuti vanoda kudya nyama yemhandara nekunwa ropa rake.

“Ndakamurova kaviri kumusana kwake ndokubva apunzikira pasi. Akabva aregedza kudzipa mwana wangu ndokubva ndamununura nekukasika.

“Ndakaudza mwana wangu kuti amhanye anohwanda mumba. Musikana wechidiki uyu akandiudza kuti ndichazviona nekumunyadzisa kwandainge ndaita pazere vanhu.”

Mumwe wevakaona chiitiko ichi anoti mumwe wevasikana ava akazama kuda kunopinda mumba munoroja Muzvare

Jemandega asi akamiswa nemurume anonzi Hamson Chikosi uyo anonzi muporofita.

“Hatichaziva kuti pasi rino riri kuenda kupi. Zvataona pano zvinotyisa. Ndagara ndichiparidza pamusoro pekupinzwa kuri kuitwa vana vedu muzvitendero zveSatanism. Ndinokurudzira vabereki kuti vagare vachiongorora vana vavo kuti vari kuitei,” anodaro Chikosi.

Muzvare Fadzie Mutepfa avo vakaonawo manenji aya vanoti mushure mekurwisa mwana uyu, mumwe wevanasikana ava akaita seabatwa nemweya ndokutaura kuti vabereki vemwana uyu vakanotsvaga mushonga wekuromba kuMachipanda kuChimoio, kuMozambique.

“Akati zvakare iye aive mweya wemunhu akapondwa uye unoda kuripwa nemusikana wechidiki. Takazama kufonera amai vake asi vakange vasingadaire nhare yavo,” vanodaro Muzvare Mutepfa.

Vanoti amai vemumwe wevanasikana ava vakazosvika ndokubva vavatora vose nemota ndokuenda navo.

VaGeorge Kandiyero vanove mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe Healers’ Association vanoti nyaya iyi ine chekuita nemabasa ehuroyi.

“Uhu huroyi, kunyangwe muchida kuti zvine chekuita neSatanism kana zvimwe zvinamato. Vana ava vanoda kubatsirwa sezvo vari kushandiswa nevanhu vezvinamato zvakaipa. Kubatsirwa uku kunokwanisa kuitwa kuchechi kana kuti nenhengo dzesangano redu,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa vanoti nyaya iyi haina kumhan’arwa kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links