Uncategorized

. . . vaifunga kuti akafa achamuka

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
. . . vaifunga kuti akafa achamuka Kudakwashe Mutetwa

Kwayedza

KWAYEDZA payakashanyira nzvimbo iyi nemusi weChitatu svondo rino yakawana Madzimai Jeniffer Dheka (38) vanogara panhamba  8906 apo vanoroja nemhuri yavo vose vasipo vachinzi vakange vaenda kumusha kwavo kuGuruve kunoviga murume wavo.

Pamba apa panonzi hapachagarika nekunhuhwa uye vatori venhau vakatambirwa negutukutu remweya usingakomborere.

Mai Cynthia Mapfoche (30) vanorojawo pamba imwechete iyi vanoti havana kumbobvira vaudzwa kuti murume waMadzimai Jeniffer akange ashaya.

“Mai ava vane vana vavo vaviri vaingoti kwatiri vainge vachigeza baba ava maronda tichivaona vachimwaya mushonga wenhunzi zvaireva kuti murume uyu akanga atofa kare. Pakazobuda mweya wekunhuhwa nyaya iyi ikasvika kumapurisa mutumbi uyu ukawanikwa wakaora. Vaiti vaida kumutsa munhu akafa uyu sezvo vari muporofita,” vanodaro Mai Mapfoche.

Vanoti pamba apa hapasi kugarika nekunhuhwa nekuda kwemweya wemunhu akaorera mumba.

“Mweya uri kubuda mumba umu nemumbatya dzaiva dzakafukidzwa mutumbi uyu uri kutikachidza, hatichagona kana kudya chinhu,” vanodaro Mai Mapfoche.

VaCharles Chakoma (59) vanogara panhamba  8907 vanoti vakazongonzwa kuti Madzimai Jeniffer vaichengeta chitunha mumba vachiti chichamuka.

“Amai ava vanozviti muporofita saka murume afa vakachengeta chitunha chake vachiti chichamuka mushure memazuva 7. Isu tainzwa kunhuhwa

ndichifunga kuti pane munhu ainge aisa matumbu mubhini,” vanodaro VaChakoma.

Mai Marian Manzeke (47) vanogara panhamba 8896 vanoti mudzimai uyu akaita zvinoshamisa munzvimbo iyi.

“Baba ava vairwara tichivaona ndokuzoguma tisisavaone nekuda kwechibage. Takazongonzwa kuti vakafa mutumbi wavo ukavharirwa mumba uchinzi waimirirwa kuzomuka kwawo. Izvozvi mumba mavo yavanoroja muzere honye, vanoti vari kufema mweya wemunhu akafa,” vanodaro Mai Manzeke.

Madzimai Jeniffer Dheka nemurume wavo

Mai Wadzanai Manzeke (29) sahwira waMadzimai Jeniffer vanoti murume akafa uyu aigara akasungwa ari mumba nekuti akanga ave kurwara nepfungwa.

“Madzimai Jeniffer vairamba kuendesa murume uyu kuchipatara vachiti vaibatsirwa naBaba Emmanuel Mutumwa. Takazongonzwa kuti vakafa chitunha chavo chikavharirwa mumba kusvikira chawora,” vanodaro Mai Manzeke.

Kudakwashe Mutetwa (29), mwana wevaridzi vemba inorojwa naMadzimai Jeniffer, anoti akafonera amai vake vari kuSouth Africa vakati vakanga vasisade kuona mudzimai uyu nemhuri yake pamba pavo.

“Amai vari kuti vanhu ava ngavabude havachada kuvaona pamba pavo kunyange zvavo vaine chikwereti,” anodaro Mutetwa.

Anoti vari kuda kuti mumba makachengetwa chitunha umu mugezwe nemishonga inouraya hutachiona sezvo muri kunhuhwa uye muzere honye.

Kwayedza pakaedza kudongorera mumba munogara Madzimai Jennifer nemhuri yavo umo makabva masvakuka zikatsi dema iro rakapinda nepakati pemutori wenhau uno nemutori wemifananidzo zvikashamisa kuti rakaenda nekupi. — Kingstone Mapupu

 

Share This:

Sponsored Links