Abel Ndooka
MUIMBI weSungura – Leeroy Kamusena – anoti vaimbi vanofanirwa kukoshesa zvikwata zvavo kuburikidza nekubhadhara vavanoshanda navo mari yavanowana kumashoo sezvo zvichibatsira kuti vagoramba vari vose kwemakore akawanda uye zvichisimudzirawo chikamu chemimhanzi.
Kamusena mumwe wevagara chaizvo mune zvemimhanzi izvo zvakamuona achishanda nevaimbi vanosanganisira mushakabvu Marko Sibanda, System Tazvida, chikwata cheSuper Sounds, Mighty Warriors Band, Shirichena Express neZisco Sounds.
Anoti kushanda kwaakaita nezvikwata izvi kwakamudzidzisa zvakawanda.
“Mumakore andakashanda nevaimbi vakawanda vakaita samukoma Marko Sibanda naSystem Tazvida, ndakadzidza kuti kana uri mutungamiri wechikwata, usaite hunj’ire nemari, ukawana mari kumashoo ita uchipawo vamwe vaunoshanda navo izvo zvinobatsira kuti chikwata chenyu chirambe chichienda mberi.
“Chinhu chinoparadza zvikwata zvizhinji inyaya yemari saka kana uri mutungamiri wechikwata, usangozvifunge iwewe wega chete. Une vamwe vaunoshanda navo, vakoshese sezvo vachibatsira kuti basa rako riende mberi,” anodaro.
Kamusena mumakore adarika ange amboita seanyarara munyaya dzekuimba zvichikonzerwa nekuti aigara kunze kwenyika.
Akambonogara kuMozambique akazobva ndokuenda kunyika yeSouth Africa uko akapedza makore mazhinji ariko.
Ari kuSouth Africa, akakwanisa kutsikisa nziyo dzinoti Vapei Mavende uye Chigubhu Cherudo.
Kamusena anoti vatsigiri vazhinji vanogona kufunga kuti ange abuda mune zvemimhanzi asi handizvo.
“Kuburikidza nekufamba kwandakamboita neChazezesa Challengers chaive chikwata chamukoma System Tazvida, ndakakwanisa kufamba nyika zhinji dzakaita seSouth Africa, Mozambique, Malawi, Zambia nedzimwe. Saka pandakaita sendanyarara ndakange ndave kugara kuMozambique uko ndaiita zvemimhanzi.
“KuMozambique, mhanzi yedu inodiwa chaizvo saka ndakambogarako ndikazobva ndokuenda kuSouth Africa. KuSouth Africa, ndakazovharirwa neCovid-19 asi ndikatozotanga kutoita zvemhanzi ndiriko ndikakwanisa kutsikisa nziyo mbiri.
“Iye zvino ndadzoka, ndave kusimudzira mimhanzi yangu uye ndiri mushishi kubika zvitsva izvo ndichapakurira vatsigiri vangu manje-manje,” anodaro Kamusena.
Muimbi uyu kubva adzoka muZimbabwe nguva pfupi yadarika, ange achitenderera nenyika achiita mashoo pamwe chete naDedicated Musasa izvo zvavaona vachiridza kunzvimbo dzinosanganisira Shamva, Ruwa, nekuGoromonzi.