‘Vaimbi ngatibatanei’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Vaimbi ngatibatanei’ Blessing Gomo

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero — Blessing Gomo — anoti mushandirapamwe pakati pevaimbi wakakosha zvikuru mukusimudzira indasitiri yezvemimhanzi.

Gomo – uyo parizvino ari kugara kuSouth Africa uko kwaanoshandira achibika mhanzi yake – anoti mumakore aagara achiita zvemumhanzi adzidza kuti kushanda pamwechete sevaimbi kunobatsira panyaya yekuvabatananidza nekusimudzira matarenda avo.

“Chinhu chandadzidza mumakore andaita zvemhanzi kuti kushanda pamwechete sevaimbi kunounza pundutso, kunobatsira kuti tese sevaimbi tisimuke uye tigobika mhanzi ine chirevo,” anodaro Gomo.

Muchinda uyu anoti parizvino ari mushishi kupedzisa kubika dambarefu rake rechitatu rinonzi Muroti iro akashanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Mathias Mhere.

Anoti kushanda kwaakaita naMhere padambarefu rake iri kwakamuvhura maziso ake uye kumubatsira kuti adzidze zvakawanda nezvemimhanzi.

“Ndakadzidza zvakawanda kubva kunaMhere patakashanda tese pakubika dambarefu rangu Muroti iro tichapakura munguva iri kutevera.

“Kushanda nevamwe vaimbi kwakanakisa chose uye kunotibatsira tese sevaimbi kuti tisimukire,” anodaro Gomo.

Kubva achitangisa kuita zvekuimba, Gomo akwanisa kubura madambarefu maviri anoti Ngariende naTawanirwa Nyasha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>