‘Vaimbi ngatisarivare’

17 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
‘Vaimbi ngatisarivare’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo wePansula, Traditional neSungura — Umali “Papah Jawah” Jawad — anoti zvinofadza zvikuru kuti chichemo chavo sevaimbi chakatambirwa neHurumende kuti vachitanga kuita mashoo asi zvakakosha kuti vasavarairwe panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nemusi weChina svondo rino vakazivisa nezvekutenderwa kwevaimbi kuti vachitanga kuita mashoo asi achipindwa nevanhu vasingadarike 50 uye vachitevedzera mitemo yose yeHurumende neyesangano reWorld Health Organization (WHO) yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Zvichemo zvedu zvakazonzwikwa, tinotenda hutungamiri hwedu nekutinzwisisa nekuti vazhinji vedu hupenyu hwakatokanganisika sezvo tichiraramiswa nemari dzinobva kumashoo.

“Asi ini ndinoda kupa yambiro kune vamwe vaimbi kuti ngatingocherechedza matanho atapihwa nehutungamiri hwedu, tisazofarise tozadza mashoo isu tanzi vanhu 50 vapinde chete.

“Tichiri panguva yekurwisa Covid-19 uye denda iri richiriko saka ngatisaise hupenyu hweveruzhinji panjodzi. Ngatikoshese zvataudzwa kuti tiite nehutungamiri hwedu pamashoo atinenge tichironga kuitira kuti tisazovharisirwe zvekare mukana uyu,” anodaro Papah Jawah.

Muimbi uyu ane kambo kaakatsika kanopa kurudziro kuti vanhu vagare vakazvichengetedza kubva kudenda reCovid-19 kanonzi “Corona virus Awareness Song” ako akaimba mumitauro inosanganisira Shona neChewa.

Anoti chenjedzo yechirwere ichi inofanirwa kugara ichingoitwa nguva nenguva.

“Covid-19 yatishungurudza uye vamwe vakarasikirwa nehama nekuda kwedenda iri. Saka tinofanira kuziva kuti tiri pahondo chaiyo uye togara takachengetedzeka nguva dzose,” anodaro Papah Jawah.

Share This:

Sponsored Links