Uncategorized

‘Vaimbi taomerwa zvikuru’

21 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
‘Vaimbi taomerwa zvikuru’ Primrose “Scarlete” Maronde

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weAfro-Pop, Primrose “Scarlete” Maronde, anoti zvakakosha kuti vanosimudzira zvemimhanzi vatsigire vabatsire vaimbi, zvikuru panguva ino yechirwere cheCovid-19 sezvo mashoo asati ave kutenderwa kuitwa.

Maronde (25) akatanga kuimba gore rapera uye akabura dambarefu rinonzi “I Can” iro rine nziyo 13.

Anoti akaona kuti nziyo dzerudo dzinonyevenutsa ndangariro dzevakawanda.

Maronde anoti dambudziko rekushaikwa kwemari yekutsikisa mhanzi ndiro guru kuvaimbi vari kusimukira.

“Makambani mazhinji anotsikisa nziyo vari kuda mari yekunze saka zvinotiremera sevaimbi vachiri kusimukira kuti tiunganidze mari inodiwa, kunyanya panguva ino yeCovid-19 apo tisiri kuita mashoo.

“Kazvinji ndinoimba nziyo idzi ndiri ndoga asi pamwe pacho ndinobatana nevamwe vaimbi. Mimhanzi yangu inowanikwa paYouTube,” anodaro.

Anochema-chema nenyaya yekusatengwa kwemimhanzi padandemutande muZimbabwe kana achienzanisa nekunyika dzakabudirira.

“Tinokurudzira makambani anotsigira vaimbi kuti vatibatsirewo mukushambadza mabasa edu kuti mimhanzi yedu itengwewo apadandemutande nekuti iko zvino kune chirwere cheCovid-19 apo tisiri kubvumirwa kuungana tichiita mashoo sezvataiita kare,” anodaro.

Hurumende ine homwe yekubatsira vaimbi nevamwe vari mune zvekufadza, kutandadza netsika nemagariro panguva ino yechirwere cheCoid-19.

 

Share This:

Sponsored Links