Vaimbi vanotiwo

28 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Vaimbi vanotiwo

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA) rinokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti chirwere ichi chisarambe chichinyuka uye kuti vagokwanisa kuenda kunoshumira kumakereke nekuita mamwe mabasa ebudiriro vakasununguka.

Muhurukuro neKwayedza, mutevedzeri wemutungamiri weZFGAA – Precious Kahwema-Kabanda – uyo anonyanya kuzivikanwa saPrecious K, anoti sevaimbi, ndivo vanofanirwa kutungamiriri pachirongwa chekubaiwa majekiseni ichi.

Nguva pfupi yadarika Hurumende yakazivisa kuti makereke ave kutenderwa kupindwa nevanhu 100 chete vakabaiwa nhomba dzose dziri mbiri (1st dose ne2nd dose) dzekudzivirira Covid-19.

“Sezvamunoziva, vaimbi vedu vazhinji ndivo vatungamiri kumakereke saka tiri kuvakurudzira kuti ngavatungamire pachirongwa chekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi kuti vagodzokera kumakereke kunoshumira vhangeri ravakatumwa kunoparidza kunyangwe nekuridza magitare.

“Zvakakoshawo kuti veruzhinji vabaiwe majekiseni aya saka ngatibaiwei nhomba idzi tidzokere kuupenyu hwedu hwekare takasununguka,” anodaro Precious K.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya majekiseni aya kuvanhu 10 miriyoni kana kuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Nyika ino iri kurumbidzwa zvikuru pasi rose, kusanganisira nesangano reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwematanho akasimba airi kutora mukurwisa Covid-19.

Zvichakadai, Precious K achangobva kubura kambo kake kanonzi “Ngoni dzake” ako kari paFlash riddim rine vaimbi vakawanda.

Anoti kunyangwe zvazvo basa ravo range radzoserwa kumashure neCovid-19, haana kumira kutsikisa mhanzi izvo zvamuona achinyora kambo aka nedzimwe dzavakaita seZFGAA.

Sangano reZFGAA rine nhengo dzinodarika 50 idzo dzinosanganisira vaimbi vakadai saHetisani Mharidzo, Roe Makawa, Tendayi Mateyu naMartha Longwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey