Vaimbi vaomerwa

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
Vaimbi vaomerwa

Kwayedza

CHIKWATA chemimhanzi chevakomana vachiri  kusimukira cheLion’s Den Stars chekuChinhoyi chaomerwa neupenyu sezvo nhengo dzacho dzakambosiya zvekuimba dzichiita basa rekugadzira matoyi ayo vari kutengesa mumugwagwa weHarare – Chirundu.

Chikwata ichi chine nhengo gumi uye chakatanga kuimba makore matanhatu akadarika ndokutadza kubudirira apo vaifamba mumabhawa akasiyana ekumapurazi vachivaraidza veruzhinji.

Mukuru wechikwata ichi, Cloudy Jeke (30), anoti nekuona kuti zvekuimba hazvisi kufamba zvakanaka vakazoronga kugadzira zvavo matoyi vachitengesa, zvaakati zviri kuvararamisa pane kunge vakagara.

“Izvozvi tinoitira zvedu basa redu tiri pano paLion’s Den, vamwe vandiinavo pano vanosanganisira Ari konde Twayi (38), Charles Tapererwa (32), nevamwewo,” vakadaro. Vanoti vanogadzira matoyi anosanganisa matarakita, motokari nezvimwe zvakasiyana zvichibva mumarata nematayi. Dambudziko riripo makasitoma edu mashoma zvekuti unogona kuita mazuva matatu usina kutengerwa asi mamwewo mazuva unogona kuita mhanza zvekuti unotengerwa zvose zvaunenge wauya nazvo,” vakadaro VaJeke.

Panyaya yemimhanzi vakomana ava vanoti vane  dambudziko guru rezvekuridzisa sezvo kare vaimbobatsirwawo nevaridzi vemapurazi umo vaienda vachiridzira.

“Kune vamwe vaimbotibatsira havasisiko kuno vakaenda kune dzimwe nzvimbo uko vave kuita mabhizimisi akasiyana saka takabva tasara tisisina zvekuita ndokutsvagawo zvimwe zvitsva zvekuita, izvozvi tinodawo kuti dai tikawana kana vane mabhizimisi enzvimbo dzekutandarira vanogona kutitora tovashandira kana vezvikwata zvikuru vanotibatsirawo nezvekuridzisa kuti tikwanise kusimikira,” akadaro Jeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey