Vaimbi vari kusimukira votsigirwa

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Vaimbi vari kusimukira votsigirwa Jonathan “Mr Chinhoyi” Siasitumuzira

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo wechitendero — Jonathan Siasitumizira — anoti zvakakosha kutsigira vamwe vaimbi vari kusimukira nechinangwa chekuti indasitiri yezvemimhanzi ibudirire munyika muno.

Siasitumizira — uyo anonyanya kuzivikanwa saMr Chinhoyi kana kuti Madzibaba Gina — anoti ari kuronga dopiro revaimbi vari kusimukira avo vachange vachiridza nemusi weMugovera uno  kuChinhoyi pamabiko eGogo Veneka Gala.

Vaimbi vachiri kusimukira vanodarika 10 vemisambo yakasiyana vachaungana paPote Village 10, kuChinhoyi apo vacharidza husiku hwese kutanga masikati vachitandadza vatsigiri vemhanzi nechinangwa chekuratidzira matarenda avo.

Siasitumizira anoti shuviro yake kuti vaimbi vari kusimukira vasvike padanho rave nevamwe vane mukurumbira vakadai saAlick Macheso.

“Isu tiri kuedza kupa vamwe vaimbi mukana wekuti vasvike padanho rave nanamukoma Alick Macheso nevamwe.

“Mazuvaano indasitiri yemhanzi iyi iri kurema nekuti mikana yacho yekupihwa mashoo haisi kuwanikwa sezvo mapuromota mazhinji vachida vanhu vane mazita makuru. Saka ini ndiri kuzama kuti ndiwanise vamwe vangu mukana nekuti ndinoziva kurwadza kunoita magitare kana uchisimukira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Saka tichange tichirova magala akaita saatakaronga neMugovera kuti tipe vamwe vaimbi mukana wekusimukira,” anodaro.

Muchinda uyu – uyo anoimba nziyo dzechitendero asi achikwenya nemusambo weSungura – anoti hapana chakashata chaanoona sezvo achishandisa misambo miviri iyi kuparidza shoko raMwari.

“Vanhu vanogara vachibvunza kuti sei ndichiimba mhanzi yechitendero ndichikwenya Sungura, apa ndiri madzibaba. Ndinoti mhanzi chipo chinobva kunaMwari uye kuridza Sungura ndichiimba nziyo dzechitendero kuedza kuparidza kuti shoko risvike kumunhu wese,” anodaro Siasitumuzira.

Vamwe vaimbi vacharidza pagala iri vanosanganisira iye Siasitumuzira, General Starman, Mutumwa Simarungu, Chesa Express, Takesure Chikukwa, Jambo Brothers, Bongori Fire, Link Fox naLink Fox.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey