‘Vaimbi vechikadzi tava kuonekwawo’

09 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
‘Vaimbi vechikadzi tava kuonekwawo’ Roe Makawa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero – Roe Makawa – anoti mazuva ano madzimai vari mune zvemimhanzi vave kurangarirwa nekuwaniswa mikana yakaenzana nevanhurume kusiyana nakare.

Apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika pasi rose mukukucherechedza mwedzi wevanhukadzi waKurume, Makawa anoti kare madzimai vaitarisirwa pasi mune zvemimhanzi, asi iye zvino zvashanduka sezvo vave kuwaniswa mikana yakaenzana nevanhurume.

“Kare, indasitiri yemhanzi yainge izere nevanhurume, ndivo vaitonga madzimai vasingawaniswe mikana yakadai sekuridzwa kwenziyo dzavo pamawairesi chaipo.

“Asi zvino ndinofara kuona kuti kana mashoo chaiwo, madzimai tiri kushevedzwa, mimhanzi yedu iri kurira kwese. Saka zvinhu zvinofadza kuona kuti semadzimai, tave nemikana yakangofanana nevanhurume.

“Kare, vaimbi vechidzimai vaive vashoma asi iye zvino tawanda izvo zvinoratidza kuti indasitiri yedu iri kukura uye madzimai mimhanzi yedu iri kutambirwa,” anodaro.

Makawa mumwe wevaimbi vari musangano reZimbabwe Female Gospel Artist Association (ZFGA) iro richaparura dambarefu rekutanga rinonzi Huyai Tibatane svondo rino.

Anoti kubatana kwavakaita semadzimai inyaya yerudo uye nechinangwa chimwe chete chekuparidza shoko raMwari.

“Takabatana sevaimbi vechidzimai nekuti tine chinangwa chimwe chete chekuparidza shoko raMwari. Isu tiri madzimai anonamata uye tinoda kuparidza shoko tiri pamwe chete,” anodaro.

Makawa kubva atanga zvemimhanzi, akwanisa kutsikisa madambarefu manomwe.

Anoti gore rino ari mushishi kubika dambarefu rake idzva rechisere.

Makawa vazhinji vanomuziva achiimba nziyo dzechitendero asi achiridza nemusambo weSungura.

Anoti kuimba zvine musiyano nevamwe ndizvo zvinomubatsira kuti mimhanzi yake iite mukurumbira.

“Muimbi unofanirwa kuita zvakasiyana nevamwe saka ndizvo zvinoita kuti musambo wangu ufarirwe nekuteverwa nevatsigiri. Gore rino ndinovimbisa vatsigiri vangu zvitsva.”

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira So Sweet, Zoomer ako akaimba naShantel Sithole, Ngizohamba Nawe naKhuluma Jesu.

Mumwe wevashoma vanokwanisa kuimba nemitauro inosanganisira Ndebele, Shona neChiRungu.

Share This:

Sponsored Links