Vaimbi vechikadzi voparidza rudo

28 Feb, 2023 - 14:02 0 Views
Vaimbi vechikadzi voparidza rudo Hetisani Mharidzo

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO remubatanidzwa wevaimbi vechidzimai reZimbabwe Female Gospel Artist Association (ZFGA) rakatsikisa dambarefu idzva rine nziyo shanu iro richaparura mumasvondo anotevera.

Dambarefu iri rinonzi Huyai Tibatane uye rinotaura pamusoro pekubatana kwevaimbi vachiparidza rudo nerugare munyika.

Vaimbi vari musangano iri vanodarika 50 uye vanobva kumatunhu anoti Harare, Bulawayo, Manicaland, Midlands nekuSouth Africa uye kubva kumatunhu ose aya vakabura kambo kamwe chete kari padambarefu iri.

Mutungamiri wesangano iri – Hetisani Mharidzo – anoti chinangwa chakaita kuti vaimbi vechitendero vechidzimai vabatane kubura dambarefu iri kuparidza rudo munyika.

“Sevaimbi, ibasa redu kuti tiparidze rudo munyika, tiparidze rudo munzvimbo dzatinogara uye kuparidza rudo mumakereke atinonamata. Saka takabatana sevaimbi vechidzimai vari munyika ndokubura dambarefu redu rinonzi Huyai Tibatane apo tiri kukurudzira vamwe vaimbi kuti vauye tishande tese.

“Tikashanda pamwe chete takawanda tichiparidza shoko rimwe chete, zvinotibatsira kuti shoko redu ratiri kusunda rinonyatsosvika kune veruzhinji.

Hetisani Mharidzo

“Pane zvese zvatinoita, ngatitungamidze rudo,” anodaro Mharidzo.

Padambarefu ravo iri pane kambo kanonzi Zimbabwe Unite, Hilava Kurhula (Tinoda Runyararo) ako kakatsigirwa nesangano reNational Peace and Reconcliation Commission.

Pakambo aka ZFGA, yakabatana nevamwe vaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Baba Mechanic Manyeruke, Carol Mujokoro, Quincey Moyo naEsin Zulu.

Dzimwe nhengo dzeZFGA dzinosanganisira Precious K, Roe Makawa, Tendayi Matewu, Martha Longwe, Sally Chamunorwa, Mai Kwaramba nevamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>