Vaimbi vochema Zex Manatsa

20 Jan, 2022 - 17:01 0 Views
Vaimbi vochema Zex Manatsa

Kwayedza

Abel Ndooka

VAIMBI vanoti varwadziwa zvikuru nekushaya kwaita Zex Manatsa nhasi.

Muhurukuro neKwayedza, muimbi weSungura ane mukurumbira – Nicholas “Madzibaba” Zacharia – anoti asuwiswa zvakanyanya nerufu rwaZex.

Senior Lecturer, sekuzivikanwa kunoitwa Zacharia, anoti Manatsa munhu aive nerukudzo rukuru kuvanhu vemazera ose uye muimbi ange akazvibata, achitsikisa nziyo dzinovaka.

“Ndarwadziwa zvikuru nekurasikirwa kwataitwa nababa vedu Mudhara Zex. Kubva ndavaziva, munhu aive nerudo nerukudzo nevamwe. Aikoshesa vanhu vose uye munhu wekuti tikasangana nematambudziko taienda kwaari kunobatsirwa.

“Mukanzwa kana nziyo dzake dzaaitsikisa, Mudhara aiimba zvinovaka, waisambonzwa achitsikisa nziyo dzisina basa,” anodaro Madzibaba.

Achinyora paFacebook, Dr Thomas Mapfumo anoti, “Tinemi mhuri yekwaManatsa mukuchema nekurangarira gamba guru renyika yedu. Mweya waSekuru Manatsa ngauzorore murugare.”

Suluman Chimbetu, achinyorawo paFacebook, anoti rufu rwaManatsa rwamubata zvikuru sezvo aive munhu ane chipo uye akadzikama.

“Zvinorwadza, ndagamuchira mashoko erufu rwaBaba Zex Manatsa mushure mekunge vasimbirwa nedenda regomarara kwenguva refu. Tarasikirwa zvikuru nemunhu aive netarenda uye akazvibata. Taidzidza zvikuru kubva kumabasa avakabata muindastiri yedu yemhanzi.

“Ndinongoti kumhuri yekwaManatsa nematambudziko, dai Mwari vatinyaradza nekuti ndivo muridzi weupenyu.”
Mwanakomana waManatsa, Tendai uyo anove murume waSelmor Mtukudzi anotiwo, “Gamba rangu raenda”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey