Vaimbi vochemera kuridzawo kuHifa

21 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
Vaimbi vochemera kuridzawo kuHifa

Kwayedza

hifa
VAIMBI vane mukurumbira vanoti Alick Macheso, Chinx Chingaira naDino Mudondo vochema-chema pamusoro peHifa vachiti havasi kuwaniswa mukana wekuridzawo padopiro repasi rose iri.  Vaimbi ava vakaita hurukuro pamusoro penyaya iyi nguva pfupi yadarika apo Macheso akati zvaimushungurudza kuti panoitwa Hifa gore negore havambokokwako kuzoridza.

“Zvinorwadza kuti panoitwa bira repasi rose isu senyanzvi dzinoimba zvinhu zvinoenderana netsika nemagariro echivanhu hatipihwe mukana wekuratidzira zvatinoita, kumabira akaita se(Harare International) Carnival havadi kutiona tinotoshaya mukana asi tinoziva kuti hapana nezviripo kana isu tisipo, havadi kutiona vanotivharira gonhi kunze chaiko,” akadaro Macheso.

Chinx akabva amugamha achiti mapira akaita seHifa haana zvaanoreva kana kukashaikwa nyanzvi dzakaita sanaMacheso uye vakatogeza mawoko, vave kungosiyana nazvo sezvo vakaona kuti kuzviitiko zvakadai havana mukana wavanopihwa.

“Hapana kana nezviripo kana pasina mazita makuru akaita seedu nekuti tisu tinoimba zvinoenderana netsika nemagariro echivanhu, hapana nezvebira kana pasina zita raMacheso,” akadaro Chinx.

Mudondo akati chaisava chikumbiro kuti vawaniswe mukana pamadopiro akadai asi kuti vanotungamirira zvirongwa izvi vanofanira kushevedzawo vaimbi vane mukurumbira vakaita saOliver Mtukudzi, Macheso naChinx.
“Hachisi chikumbiro nekuti tiri vana vemuno muZimbabwe asi dai vanoronga mapira aya vachipawo vaimbi vakuru vakaita seni, VaMtukudzi, VaMacheso pamwe naCde Chinx mukana wekuridzawo pazviitiko zvakadai nekuti ndipo patinoshambadzawo nyika yedu kuburikidza nematarenda edu,” akadaro Dino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey