Vakabaiwa Indian Covaxin ‘votangisa’  

18 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Vakabaiwa Indian  Covaxin ‘votangisa’   Dr Mahomva

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

ZVIURU nezviuru zvevanhu muZimbabwe vakabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) eCovaxin vaccine kubva  kunyika yeIndia ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanogona kutangisa patsva vave kubaiwa imwe mhando sezvo Hurumende iri kusangana nedambudziko rekuwana mamwe majekiseni ekuti vabaiwe kechipiri (2nd dose).

Kunonoka kuwanikwa kwemushonga wenhomba uyu kwakakonzerwa nekunyuka kwemhando yeDelta variant kuIndia iyo yakakonzerawo kufa kwevanhu vakawanda zvikuru kunyika iyi nguva pfupi yadarika.

India yakapa Zimbabwe majekiseni 35 000 eCovaxin kutanga kwegore rino ayo akabaiwa vanhu pasi pechirongwa chekudzivirira Covid-19.

Asi, nekuda kwekunyuka kwechirwere ichi kechitatu, India yakakundikana kuunza mamwe majekiseni 35 000 echipiri sezvayakange yavimbisa.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni majekiseni aya kusvika panopera gore rino kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti vanhu vakabaiwa majekiseni ekutanga eCovaxin vanokwanisa kumakiriniki nezvipatara zvose-zvose kuti vabaiwe imwe mhando zvakare.

Vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba chiri kufamba zvakanaka uye Hurumende ichiri netarisiro yekuti vanhu 10 miriyoni vange vabaiwa majekiseni aya panopera mwedzi waZvita gore rino.

Dr Mahomva vanoti Hurumende yakatenga majekiseni anokwanirana ayo ari kubaiwa vanhu.

Zimbabwe iri kubaya vanhu nhomba dzemushonga weSinopharm, Sinovac neSputnik V vaccine.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 132 368 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 126 308 vakatopona asi vamwe 4 658 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 221 875 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 apo 2 479 178 vange vabaiwa echipiri.

“Ichokwadi, takabaya vanhu majekiseni emhando yeIndian Covaxin asi nyika iyi yakasangana nedambudziko guru rekunyuka kwechirwere ichi kechitatu zvakaita kuti tive nezvigozherwo zvekuwana mamwe evanhu vakange vabaiwa majekiseni ekutanga. Zvisinei, aya mamiriro ezvinhu asingakwanise kugadziriswa neHurumende uye zvatinokwanisa kuita kuramba tichiteverera kuti majekiseni aya aveko here sezvo India ichiri pakati pekurwisana nekupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Dr Mahomva.

“Avo vakabaiwa majekiseni ekutanga eCovaxin munaChivabvu naChikumi, vakasununguka kutangisa patsva vachibaiwa imwe mhando yemajekiseni. Zvisinei, havakwanise kusanganisa majekiseni aya sezvaive zvambopihwa semufungo wevamwe nekudaro vanofanirwa kutanga patsva kana kuti voramba vakamirira Covaxin asi zvisingazivikanwe kuti inozowanikwa rinhi pari zvino,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanotiwo veruzhinji vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 vane makadhi ekare, vanokwanisa kuenda kumizinda yose-yose yezveutano kuti vapihwe matsva.

“Tichiri kuenderera mberi nechirongwa chekubaya majekiseni icho chiri kufamba zvakanaka. Bazi reutano nekurerwa kwevana harisati ratanga kubaya nhomba idzi kuvadzidzi zvichitevera kupihwa mvumo kwakaitwa nedare reCabinet,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti vari kuzviziva kuti kune vamwe vanhu vari kubvunza kuti Zimbabwe ichatanga rinhi kubaya jekiseni remhando yeJohnson and Johnson (J&J) vaccine zvichitevera kutenderwa kwarakaitwa neMedicine Control Authority of Zimbabwe kuti rishandiswe.

“Ichokwadi, taita misangano yakawanda neMedicine Control Authority of Zimbabwe, bazi reutano nekurerwa kwevana nemamwe mapoka tichitarisa kuti tingashandise sei Johnson & Johnson vaccine.

“Vakatarisa zvinoenderana nehunyanzvi hwesainzi uye ndokuzivisa zvavakawana. Oh J&J yakapihwa mvumo, ngatiishandisei mangwana asi ukanyatsotarisisa, unoona kuti ine zvinhu zvakawanda nezvigozherwo,” vanodaro.

“Takagara pasi nebazi rezveutano, tikaona kuti vari kusangana nedambudziko rekuchengetedza uye kutanga chirongwa chekubaya J&J vaccine. Munoziva kuti tine Sputnik-V uye takasangana nedambudziko rekutanga kubaya mushonga uyu nekuti zvinodiwa zvimwe chete nezveJ&J. Bazi reutano riri kumboona nenyaya yekuti vavandudza machengeterwo acho tisati tatanga kubaya J&J saka veruzhinji vanofanirwa kunzwisisa kuti iri ibasa richiri kuitwa,” vanodaro Dr Mahomva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>