Uncategorized

Vakabirwa US$32 000

09 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Vakabirwa US$32 000

Kwayedza

Bongani Ndlovu

MURUME nemudzimai wake vanonzi vakabirwa US$32 078 nembavha dzaive dzakapakata pfuti apo vaityaira mota yavo mumugwagwa weHarare-Bulawayo Highway nemusi weChipiri svondo rino.

Mapurisa anoti vaviri ava vaive vatora mari iyi pane imwe kambani iri kuBulawayo uye vaienda nayo kune rimwe bandiko rekambani kuHarare.

“Mapurisa ekuBulawayo ari kuferefeta nyaya yembavha dzaive dzakapakata pfuti iyo yakaitika nemusi wa7 Gunyana pachinhambwe chemakiromita 15 mumugwagwa weHarare-Bulawayo. Makororo mana ayo aive akapakata mazipanga (machetes) uye nemhando yepfuti yechivhorovhoro isina kuzivikanwa, akabira murume uyu nemukadzi wake US$32 078.
“Vaviri ava vaienda kuHarare mushure mekunge vatumwa nekambani yekuHarare kuti vatore mari iyi kune rimwe bandiko rekambani iyi riri kuBelmont, kuBulawayo,” anodaro mapurisa padandemutande ravo reTwitter.

Mune imwe nyaya yakaitika muHarare, mukadzi wekuKuwadzana anonzi akabirwa mota yake, mafoni neUS$3 000 nembavha shanu.

“Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, mapurisa emuHarare ari kuferefeta nyaya yembavha shanu dzechirume dzakabira mukadzi wekuKuwadzana US$3 000, mota yemhando yeHonda CRV ine nhamba pureti dzinoti ADW 9111, terevhizheni, mafoni, magumbeze nechikafu nemusi wa8 Gunyana 2021,” anodaro mapurisa padandemutande ravo.

Share This:

Sponsored Links