Vakabudirira vanozvifambisa sei?

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

UROMBO huroyi! Hapana munhu anohuda.

Tikabvunza wese munhu anoshaya, kana kuti anonzi murombo, tinonzwa achitaura kuti shungu anadzo dzokubudirira, asi anoshaya kuti ozvifambisa sei. Nedzimwe dzenguva, zvinopedzisira zvasvitsa vanhu muruchiva, kana kutsvaga kupfuma nenzira dzisina kunaka – kuchekeresa vanhu, kutsvaga zvikwambo, kubira vanhu, kana kuba mari kana zvinhu pabasa, nemudzimba dzavanhu.

Vamwe vanofunga kuti zvinoda mari kuti utange danho rokupfuma naro, asi vamwewo voti zvinoda pfungwa dzine unyanzvi, pfungwa dzinogona kuona panobuda mari nepaisingabudi zvachose, kunyange ukashanda zvokudikitira.

Pane mabhuku akawanda anyorwa anyorwazve nenyanzvi dzichipa mazano okuti vanhu vanoda kuita mari, kupfuma, kana kubudirira vangazvigone sei. Rimwe ramabhuku aya rakanyorwa muchiShona rinonzi, “Ndingaitei Kuti Ndibudirire Sevamwe?”

Iri ibhuku rakanyorwa naPhanuel Muverengwi, ratakambotaura nezvaro gore rapfuura.

Nyaya dzebudiriro handi itsva kuna Muverengwi nokuti akatombonyora mamwe mabhuku echiRungu anoti, “Success Lacks Meaning if God is Not in It”, nerimwe rinoti, “How to Maximise the Value of Your Life.”

Akasvika pakunyora bhuku iri nokuti aivewo nemibvunzo inoti:

Munhu akabudirira anenge ari munhu akaita sei?

Ko budiriro iyi inoyerwa nei?

Zvinogona here kuti munhu aonekwe nevamwe vanhu seakabudirira, asi vamwe vachiona seasina?

Chii chingaitwa nemunhu kuti ave nebudiriro yemandorokwati?

Shoko raMwari rinoti kudii pamusoro penyaya iyi?

Mubvunzo wokupedzisira unoratidza kuti munyori anotora pfungwa yokuti mushoko raMwari zvirimo zvinotaurwa panyaya dzokubudirira, uyewo kuti ndiro rine rupawo rwebudiriro.

Muverengwi anoti zvimwe zvinoita kuti munhu abudirire ndezvizvi: munhu ngaanzwisise chirevo cheupenyu hwake; ngaachovhe zvirongwa zvake; kufarira kushanda; kukoshesa nguva; kutsvaka makomborero aMwari; kusakarira pfuma; kutsungirira; kusahwanda nemunwe; kukoshesa uchenjeri; kuvenga ruvengo; kurarama murudo; kubatsira vamwe; kuregerera vanenge vakutadzira; kuzvininipisa; kuramba zvachose kushamwaridzana nehasha.

Muzvikamu zvese izvi, munyori anopa pfungwa dzake achitsanangudza kuti sei zvakakosha kuita izvozvi, kuti zvigone kuti ubudirire.

Anopeta chinyorwa chake achipa mazano anogona kubatsira vanoda kubudirira. Muverengwi anoti: “Kubudirira kune chekuita nemapazi ose eupenyu hwako, kwete nebazi rimwe chete kana maviri . . . Ini handiiti sevamwe vanotora kubudirira sekunoreva pfuma yega. Kwandiri, munhu ane pfuma chete, haana kupfuma.”

Munyori anoyambirawo achiti: “Munhu wese anofanira kuziva chirevo cheupenyu hwake.

‘‘Kunyange munhu akawana zvimwe zvinhu zvose, kana asina kusvika pakunzwisisa chirevo cheupenyu hwake uye kuchizadzikisa, munhu iyeye anoramba ari mudzungairi.”

Munyori anokohomedza zvakanyanya kushandisa maoko, nokuti hapana chinouya chega.

‘Kana muchando uchida kuzambira zuva, unotoribudira panze. Kwave kupisa samazuvano, unototsvaga wega panotonhorera.

Anotiwo: “Munhu wese anofanira kushanda, asiyane neusimbe kana kugarira maoko. Kana uchidya unofanira kushanda. (Apostora) Pauro akataura (mutsamba yake kuvaTesaronika) achiti kana usingadi kushanda, haufaniriwo kudya.”

Kungoonesana kunyanya mazuva ano vamwe vachifunga kuti vobudirira sei, vamwewo vachitsvaga budiriro nokuratidzira mumigwagwa nokupwanya zvinhu, pfungwa iri yokuti zvichavaunzira upfumi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey