Vakadya nyama yemunhu

12 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Vakadya nyama yemunhu Mushakabvu Tapiwa Makore

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti hakuna munhu ane pfungwa dzakati kwesere anodya nyama yemunhu achinyatsoziva kunze kwevaroyi nevamwe vanobatabata mishonga yakaipa.

Izvi zvinotevera kusungwa kwakaitwa vakadzi vaviri vekwaMurehwa masvondo maviri adarika nenyaya yekuti vakadya nyama yemutumbi wemwana weko uyo akapondwa.

Mutumbi waTapiwa Makore (Jnr) (7) wakanhongwa wakabviswa musoro, maoko nemakumbo mwedzi wapera uye pane makumbo akazowanikwa akakandwa muchimbuzi cheko, asi achiita seakachekwa dzimwe nyama.

Tapiwa (Jnr) ari kunzi akapondwa nababamukuru uye sazita wake Tapiwa Makore (Snr) (57) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe anonzi Tafadzwa Shamba (40).

Vaviri ava vakatomiswa mudare redzimhosva pamwe chete nemumwezve mudzimai, Moud Hunidzarira (42), nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda mwana uyu kuti vamuchekerese.

Musoro nemaoko zvaTapiwa hazvisati zvawanikwa uye ongororo dzenhengo dzakawanikwa dzichiri kuongororwa.

Masvondo maviri adarika, pane mamwe madzimai maviri akasungwa nemapurisa achipomerwa kuti vakadya nyama yakachekwa naShamba pachidya chemutumbi waTapiwa (Jnr).

Shamba anonzi akachinjanisa nyama iyi nedoro naJoina Tangirire uyo aitengesa hwahwa pamba pake kwaMurehwa kwakare.

Nyama iyi inonzi yakazodyiwa nemhuri yose yaTangirire.

Votaura nezvenyaya yekuti kune vanhu vakatoteya mapoto ekubika nyama yakabva pamutumbi wemwana wekupondwa uyu, Mbuya Alice Kwenda Masoko (65) vemumusha weLochnvar, muHarare, vanoti avo vakadya nyama yaTapiwa kunyange vaisaziva vatova nedambudziko mukurarama kwavo.

Mbuya Kwenda

“Vanhu vari kunzi vakadya nyama yemwana uyu kana vakachinjanisa nedoro asi ivo vasingazive kuti inyama yei, vatova varoyi uye vanotoda kubatsirwa pachivanhu,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Vanoenderera mberi: “Vanofanirwa kupihwa bota rinodirwa pasi nefodya vachiita zvekunanzva nemuromo.”

Vanoyambira vanhu kuti vadye nyama yavanoziva kwayabva.

“Tinogara tichinzwa kuti kune vanhu vakadyiswa imbwa kana dhongi.”

Mbuya Kwenda vanoshora n’anga dzinofurira vanhu kuti vashandise mishonga yekuromba kuburikidza nekuponda.

“Havasi n’anga vanhu ivava, vanonyepera vanhu,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Mateo Mupfumbati (40) vemuHarare vanotiwo vanhu vanonzi vakadya nyama yemwana wekupondwa uyu havana kusiyana nevacho vakaponda.

Madzibaba Mateo

“Iyi imhiko yakaitwa, saka vanogona kunge vakadya vachiziva sekutaurirwa kwavakanga vaitwa nen’anga. Nyama yemunhu haidyiwe uye vanhu ava vave kuda kushandirwa kuti varutsiswe,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Sekuru Elisha Mutanga (67) vekuUshewokunze, muHarare, vanotsinhira vachiti, “Dzimwe nguva vanhu vakaponda ava vaitosairira mweya wemwana uyu kune vakazodya nyama yacho. Bvuri remwana uyu ratova kumhuri yakadya nyama iyi asi zvichida vakadya ava vainge vachitozviziva.”

Sekuru Mutanga

Vanoti n’anga ngadziite basa radzo rekubatsira vanhu kwete kuvafurira.

“Unonzwa vamwe vachiti tora ropa remusope kana remwana dangwe kana gotwe.

“Vamwewo ndivo vanoti kuvanhu shandisai mvura yakagezeswa chitunha. Uhu huroyi,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Share This:

Sponsored Links