Uncategorized

Vakadyiswa katsi parufu

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Vakadyiswa katsi parufu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAMWE vevanhu vaiva parufu pamusha uri kwaBesa, kumaruwa ekwaSeke, vanonzi vakadyiswa nyama yekatsi vasingazive.

Pane murume ari kunzi ndiye akaenda nenyama yekatsi iyi parufu apa yakavhunwa kare zvikazoguma zvakonzeresa bongozozo rakaita kuti murume uyu arikitwe nechaunga chaivepo.

Nyaya iyi iri kunzi yakaitika manheru emusi weChipiri chadarika pamusha uri mubhuku raBesa.

Murume uyu — uyo anogara mumusha mumwe chete uyu — anonzi akaenda parufu apa nenyama yekatsi iyo yaiva yakavhunwa achiti ndeye mhuka yemusango, ndokuigocha pamoto paiva nevamwe vanhurume.

Pamusha uyu painge pafa baba vepo vainzi VaGodfrey Chihumbiri, avo vanonzi mutumbi wavo wakanhongwa uri mudziva murwizi Hunyani pedyo nemusha wavo.

Lovemore Moyo

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya yekufa kwemurume uyu ichiri kuferefetwa.

“Hongu inyaya yakasvika kumapurisa, yemurume uyo akabva pamba manheru achiti ainozvibatsira musango riri pedyo sezvo pamba pake pasina chimbuzi asi ndokusadzoka. Mutumbi wake wakazowanikwa murwizi rwaHunyani. Inyaya ichiri kuferefetwa,” vanodaro.

Mumwe wevaiva panhamo iyi, Lovemore Moyo (29), anoti murume wekudyisa vanhu katsi akasvika parufu aine nyama yaaiti ndeye mhuka yemusango asi yainge yakavhiiwa, isina musoro nemakumbo ndokusvikoigocha.

Thomas Chihumbiri

“Ini ndiri muzukuru kumhuri yakafirwa yekwaChihumbiri. Pakasvika murume, aiva nemumwe wake nenyama apo sadza raitobikwa. Paiva nemavheji, pabikwa makabichi ayo aizodyiswa sadza.

“Murume uyu (zita rake tinaro) akasvikoisa nyama iyi pamoto ndokuigocha ichitonyiminya nekudonherera mafuta. Yakaibva zvakanaka apo sadzawo rakabva ratanga kupihwa vanhu riine makabichi,” anodaro Moyo.

Nyaya iyi inonzi yakaitika mutumbi wemufi uchiri mumba.

Moyo anoti vanhu vakazokwachurirana nyama iyi ndokuidya nesadza, vamwe ndokudya yakadaro.

Zvinonzi pavarume vaiva pamoto apa avo vaidarika 20, vakawanda vavo vakadya nyama iyi iyo yavaiti yainaka zvisinei kuti vamwe vanonzi vakati yaiva nekakunhuwa.

Katsi

“Chakazotinetsa ndechekuti murume akauya nenyama iyi haana kuidya, akadya nekabichi. Izvi zvakazoita kuti mumwe waakange auya naye afumure nyaya iyi kuruzhinji achiti vainge vadya katsi.

“Murume uyu akamboedza kuzvinatsurudza achiti inonzi kitsi dhaimani kana kuti bonga ndokuzoguma oti ijerenyenje iyo aiti i’good game meat’,” anodaro Moyo.

Anoti nekuda kwekugumbuka kuti vainge vatetena nyama yekatsi, vamwe varume vakatanga kurwisa murume uyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume anonzi akadyisa vanhu vaive parufu nyama yekatsi pamwe chete nemumwe wake. Asi mumwewo murume akangozviti Charamba wekuMarondera uye aiva parufu apa — uyo akataurwa naye panhare — anotsinhirawo nyaya iyi.

“Murume uyu akashereketa zvikuru, hatizive kuti kwaiva kushora here nekuti vanhu vainge vachidya sadza nemacabbages,” anodaro.

Insp Mwanza

Kuchiti mwanakomana wemushakabvu, Thomas Chihumbiri (23), anoti: “Ini ndainge ndisipo asi ndakasvikoudzwa nyaya iyi. Munhu akazviita uyu mutorwa kwatiri.”

Steven Mukombe (33) ari muzukuru kumhuri yekaChihumburi anoti havasati vaziva chinangwa chemunhu uyu.

“Murume uyu akamboti inyama yejerenyenje kusvikira chokwadi chakazobuda apo akarohwa, akazobvuma kuti ikitsi,” anodaro Mukombe.

Zvinonzi munin’ina wemufi, VaCoaster Chihumbiri, ndivo vakabvunzurudza murume uyu kusvikira azotaura chokwadi.

“Murume uyu akazobva panhamo apa achitiza apo vanhu vaida kumuendesa kumapurisa. Aingova masaramusi oga parufu rwasekuru vangu avo vakangobva pamba vachiti vainozvibatsira musango ndokuzowanikwa vakafira mumvura.

“Pakunoviga mutumbi, bhokisi rakaramba kupinda mugomba kusvikira guva rakatozocherwa zvekare kuti rikwane,” anodaro Mukombe.

Share This:

Sponsored Links