Kingstone Mapupu
MADZIMAI maviri vanova vavakidzani vaigara kuChegutu vanonzi vakaenda kunotsvaga huni musango rekupurazi reko, mitumbi yavo ndokuzonhongwa vakapondwa munyaya inofungidzirwa kuti vakatanga vabatwa chibharo.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanotsinhira nyaya inosuwisa iyi.
“Tine nyaya iri kufeewa nemapurisa edu eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuChegutu, yemadzimai maviri anoti Sekesai Antonio (59) aigara paP808 kuPfupajena, kuChegutu, naAlice Zhuwao (54) aigara paP806 ikoko kuPfupajena, vakabva padzimba dzavo nenguva dza9 mangwanani nemusi wa6 Gunyana vachienda kunotsvaga huni kupurazi reStockday,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoti vaviri ava havana kudzoka kudzimba zvikazokonzera kuti vehukama nevamwe vatange kutsvaga vaviri ava mupurazi umu vachibva vavashaya. Zvakazoita kuti Kenias Mbewe wepaP725 kuChegutu kwekare, aende kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaZRP Pfupajena.
“Kutsvagwa kwemadzimai aya kwakaenderera mberi kusvika nemusi wa8 Gunyana apo mitumbi yevaviri ava yakazowanikwa mumasango emupurazi umu iri panzvimbo yakapatsanurana chinhambwe chemamita zana kubva pane mumwe mutumbi kuenda pane mumwe,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoti mutumbi waSekesai Antonio une ronda guru mumusoro uine mavanga mumutsipa, mumawoko nemakumbo uye zvinoratidza kuti mufi anogona kunge akatanga abatwa chibharo.
“Mutumbi waAlice Zhuwao une ronda hombe mumusoro uyewo zvavaishandisa kutsvagisa huni zvakawanikwa pedyo nemitumbi yavo. Mitumbi yevafi yakazoendeswa kumochari yechipatara cheChegutu uko yakamirira kuongororwa,” vanodaro.
Insp Kohwera vanoti mapurisa vari kufeya zvizere pasina panosara kuti kuwanikwe mhondi dzakaita izvi.
“Tinokumbira kuruzhinji kuti vatiwanise mashoko ane chekuita nehumhondi uhwu nhubu idzi dzigokwanisa kusungwa. Kune vane zvavanoziva ngavazivise mapurisa ose-ose kwavari kana kushandisa masuggestion boxes edu,” vanodaro Insp Kohwera.