Vakadzi chenjererai varume ava: Muchaneta

04 May, 2023 - 09:05 0 Views
Vakadzi chenjererai varume ava: Muchaneta Kessia Muchaneta Masona

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHASHA yemadhirama, Kessia “Muchaneta” Masona, uyo anova zvakare muimbi, ari kukurudzira vanhukadzi kuti vangwarire kushandiswa nevanhurume mune zvose zvavanoita uye kuti vadzidze kuzvimirira pachavo muupenyu.

Masona (42), uyo anoimba nechikwata chake cheAfro Remba Jazz Band, anoti zvekare anorwadziwa nekutorwa kuri kuitwa zvinodhaka nevechidiki, nekudaro ari kushanda nemamwe mapoka mukurwisa dambudziko iri.

“Vanhukadzi tinoshandiswa nekushungurudzwa mune zvinhu zvakawanda, regai ndikutaurirei kuti hama dzangu zhinji dzechidzimai dzinoita zvekuimba nemitambo yekutevedzera iyi yemadhirama dzakapera kufa nezvirwere zvavaipihwa nevarume vachinzi vanobatsirwa. Ngatishingei madzimai tisiyane nekushandiswa kunzi tinobatsirwa.

“Imi varume kana muchida kutibatsira itai nemwoyo unoda, kwete kutisevenzesa. Madzimai ngatidzidzei kuzvimiririra,” anodaro Masona.

Anoti akatanga kuimba mugore ra1999 aine makore 19 ekuberekwa achangopedza Form 6.

“Ndapedza Form 6, baba vangu vakandibvunza kuti unoda kuenderera mberi nechikoro here kana kuti wava kuda zvimwe, ini ndikavapindura kuti ndaida kuita zvekuimba. Ndakazosanganiswa naTrevor Hall ndokutanga kubatsirwa munyaya dzekuimba idzi.

“Chido chekuimba ichi chakatanga ndiri kuchikoro uko ndakapihwa zita rekunzi Yondo Sister uye handina kuzodzokera kumashure munyaya dzekuimba,” anodaro.

Kessia Muchaneta Masona

Muchaneta, uyo anova gotwe mumhuri ine vana vatanhatu, anoti akashanda naHall kusvikira mugore ra2002.

“Hanzvadzi yangu Stanley Masona, uyo anoridza lead guitar, akanditsigira zvikuru anova akandidzidzisa kuti semudzimai, unofanirwa kudzikama, wozvibata mubasa rekuimba iri uyewo aindipa rutsigiro nekundichengetedza kubva kuvanhurume vatinoshanda navo.”

Masona anoti akazoumba chikwata chake cheAfro Remba Jazz Band mugore ra2009 uye ane dambarefu rimwe chete rinonzi Gumbo Mutsvairo rine nziyo gumi.

“Kubva padambarefu iri, ndine mamwe masingles mashanu. Mubasa rangu ndinoimba ndoga nekutya kutadza kubhadhara vashandi uye kana ndava kuda vanoridza, ndinovatsvaga nguva iyoyo asi kare ndaiva nevatanhatu,” anodaro.

Masona akaita zvidzidzo zveDegeree in Community Development neCertificate in Project Management.

“Mubasa redu rekuimba nemitambo yekutevedzera tinoona kuti vamwe vedu vakuvadzwa nezvinodhaka nekudaro ndava kushanda nemasangano akazvimirira anorwisa kutorwa kwezvinodhaka akadai seMandipa Hope Rehabilitation Centre,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Ini handinwe doro asi nguva yekuita basa rekuimba nemitambo yekutevedzera ndinosiya vanhu vachifara. Ndinoti kune vamwe vangu madzimai nevarume, siyanai nekutora zvinodhaka uye semudzimai, ukadhakwa varume vanogona kuita zvavanoda newe.

“Zviya zvekuti ndinogona kuridza magitare kana kutamba nekuita zvimwe ndakadhakwa kuzvijaidza, hakuna zvakadaro. Ndinoda kuona mwanasikana akasununguka mubasa rekuimba.”

Anoti munyaya dzemadhirama akashandawo neshasha dzinosanganisira Walter Muparutsa mumutambo unonzi The Waiters, Rumbi Katedza (The Team), The Soul City yaiburitswa paSABC naMuchaneta panova pakabva zita rake remadunhurirwa.

Share This:

Sponsored Links