Vakadzi vachakawanda kudarika varume

28 Jul, 2022 - 14:07 0 Views
Vakadzi vachakawanda kudarika varume VaTaguma Mahonde

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HUWANDU hwevanhu muZimbabwe hwakwira hwasvika pa15 178 979 huchibva pa13 061 239 mumakore gumi apfuura.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rezvemari – Professor Mthuli Ncube – kudare reCabinet pamwe chete nekune veruzhinji nemukuru weZimbabwe National Statistics Agency (ZimStat), VaTaguma Mahonde, nemusi weChipiri.

Zvinangwa zvekuverengwa kwevanhu zvePopulation and Housing Census ya2022 zvinosanganisira kuona huwandu hwevanhu, kugoverwa kwenzvimbo mumatunhu nemawadhi, upfumi hwezvakatipoteredza uye tsika nemagariro.

Ruzivo urwu rwucharamba ruchiziviswa muzvinyorwa pachiumbwa magwaro ayo ari kugadzirwa neZimStat kuitira kuzorushandisa muzvirongwa zvakasiyana uyewo nekushandiswa nemamwe mapoka.

Huwandu hwevanhu vemumaguta hwave pachikamu che38,6 percent apo hwevekumaruwa huri pa61,4 percent kana zvichienzaniswa ne33 percent mumaguta uye ne67 percent yekumaruwa mugore ra2012.

Zvakabuda zvakare mukuverengwa kwevanhu uku kuti vanhukadzi vari pachikamu che52 percent apo vanhurume vari pa48 percent.

Vanhurume munyika yose vanosvika 7 289 558 apo vanhukadzi vari 7 889 421 kana zvichienzaniswa nevanhurume 6 280 539 nevanhukadzi 6 780 700 vaivepo muna2012.

Kuverengwa kwakaitwa vanhu vakapatsanurwa zvichienderana nematunhu avanogara kwakaburitsa kuti muHarare mune vanhu vanosvika chikamu che16 percent, Manicaland (13,4 percent), Mashonaland West (12,5), Midlands (11,9 percent), Mashonaland East (11,4 percent), Masvingo (10,8 percent), Mashonaland Central (9.1 percent), Matabeleland North (5,5 percent), Matabeleland South (5 percent) uye Bulawayo ine 4,4 percent.

ZimStat yakapinza basa pamwe nekudzidzisa vanhu vanodarika 40 500 kubva mumatunhu gumi emunyika pasi pechirongwa chekuverengwa kwevanhu ichi.

Share This:

Sponsored Links