Vakagocha nekunwa kusvikira vati ‘eke’

17 Oct, 2022 - 14:10 0 Views
Vakagocha nekunwa kusvikira vati ‘eke’ Vanhu vachigocha nyama nekunwira-nwira pachirongwa cheCastle Lager National Braai Day nguva yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AKANGA ari makuwerere kumabiko eCastle Larger National Braai Day nemusi weMugovera wadarika kuOld Hararians Sports Club, muHarare apo ruzhinji rwevanhu vakaunganira chinangwa chimwe chete – kugocha nyama, kunwa doro nekutandara vachifara.

Vanhu vakadya nyama kusvika vati “eke”, uku vachidzikisira nedoro, zvinwiwa zvose nemvura yaitonhorera.

Aingova mafaro chete.

Mabiko erwudzi urwu anogaroitwa gore negore nekambani huru inogadzira zvinwiwa nedoro yeDelta Corporation Limited.
Gore rino akaitwa pasi pedingindira rinoti “Doro Redu, Kugocha Kwedu, Pahushamwari Hwedu”.

Mukushi wemashoko kuDelta Corporation Limited, Muzvare Patricia Murambinda, vanoti chirongwa ichi chakabudirira zvakanyanya.

“Mumakore maviri adarika, chiitiko ichi change chakamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19 asi gore rino chakaitwa zvichitevera kunyevenutswa kwezvisungo zvekurwisa denda iri. Tinofara zvikuru kuti vanhu vakauya nehuwandu hwavo, vakadya, kunwa nekufara pamwe chete nemhuri neshamwari dzavo.

Vanhu vachigocha nyama, kudya pamwe chete nekunwa vachitandara pazuva reCastle Larger National Braai Day nemusi weMugovera kuOld Hararians Sports Club, muHarare.

“Donzvo redu sekambani nderekubatanidza vanhu. Ukama igasva hunozadziswa nekudya saka kuburikidza nechirongwa cheCastle Larger National Braai Day, takakwanisa kuzadzidzikisa zvishuviro zveruzhinji avo vakanga vava nenguva refu vasingasangane nekuda kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti vakatora zvekare mukana uyu kuti vadzorere kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo mubasa ravo.

“Kuti tivepo sekambani, inhau yekuti munyika mune vanhu nekudaro tinofanira kuramba tichiumba hukama hwebhandi nebhurugwa navo. Tinoramba tichikurudzira kuti vanhu vanwe doro asi kuti vasapfurikidze mwero nekuti itori mhosva pachayo uye zvinomutsa mikana yekupara mhosva.

“SeDelta Corporation, tinokurudzira veruzhinji kuti vave neutano hwakanaka kuburikidza nekudya chikafu chinovaka muviri ndokusaka tiine zvirongwa zverudzi urwu, apo neapo,” vanodaro.

VaJoseph Ndandi (40) vekuWaterfalls, muHarare avo vaive pachiitiko ichi vanoti vakafara zvikuru nekuwana nguva yekutandara vachinwa nekudyira-dyira.

“Zvamunoona, tinogona kuti regai tigoche tiri mudzimba zvireruke, asi hazvinakidze zvachose. Kune chaunga ndiko kune moto nemafaro ose. Pano ndawana mukana wekusangana nevamwe vanhu vachatova makasitoma angu mubasa randinoita rekuchera migodhi.

“Patinouya kuzonwa nekugocha tinokurukura nezvemabhizimusi zvichitofamba,” vanodaro.

Vanhu vachigocha nyama, kudya pamwe chete nekunwa vachitandara pazuva reCastle Larger National Braai Day nemusi weMugovera kuOld Hararians Sports Club, muHarare.

Pamela Rori (34) wekuMbare anotiwo mabiko aya aita kuti ambofurwa nemhepo.

“Hazvidi kuti munhu wakazvarirwa muMbare, wokurira muMbare uye wofira muMbare. Ndinofara zvikuru nekuti ndawana mukana wekumboona chinhu chinonzi upenyu.

“Mukusangana nevanhu vakasiyana ndimo mukudzidzawo zvitsva, unovhurika mupfungwa. Ndawanawo dzimwe shamwari pano,” anodaro.

Vaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Winky D, Nutty O, Freeman naEnzo Ishall vakatandadza vanhu pamabaiko aya.
Vanhu vakagocha nyama, kunwa zvekunwa zviya uye kutandara kusvikira kunze kwayedza.

Share This:

Sponsored Links