vakamera nhengo mbiri mbiri

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
vakamera nhengo mbiri mbiri SVITSAI MASUKA

Kwayedza

— Vopomera babamukuru kusota muramu

Muchaneta Chimuka
MUKOMANA wekwaNemangwe, kuGokwe, anonzi akamera imwe nhengo yesikarudzi yechirume mushure mekupinda pabonde nemusikana waainge achangoroora, uyo anonzi anga akapingwa nemushonga werukawo nababamukuru vake vaimbomuchengeta vachida kuzomuita mudzimai.

Izvi zvinonzi zvakaitika kuna Liberty Mugari apo akapinda pabonde naAgnes Mutsoko (18) uye vose vanogara kwaSadunhu Huchu.
ONAI VIDHIYO

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vanhu vane ruzivo pamusoro pemanenji aya.

Vachitaura saMambo Nemangwe, jinda VaVictor Nemangwe (35), vanotsinhirawo kuti nyaya iyi yakapinda mudare ravo uye iri kufambira mberi.

JUDITH MASUKA

“Nyaya yakaitika ndeyekuti mukomana akapfimba musikana wake uyo akambenge achigara nababamukuru vake zvinova zvinonzi hazvina kuvafadza sezvo vaidawo muramu wavo uyu. Saka pavakange vave kuita zvebonde mushure mekuroorana, mukomana akanzwa kudhonzwa sikarudzi yake panova paakazoerekana ave kuona ave nenhengo mbiri dzechirume dzose. Asi musikana haana kusangana nedambudziko. Vakaenda kuchipatara asi zvakashaya basa kusvika vazopotera kwaSadunhu Huchu, vanove vakakwidza nyaya iyi kudare redu,” vanodaro VaNemangwe.

Vanoti vakabatsira mhuri iyi mukutsvaga n’anga yekutanga inova yakabata babamukuru ava saivo muparanzvongo.

“Kun’anga yekutanga, babamukuru vakabatwa asi hama dzavo dzakarambisisa dzichiti dzakange dzisina kunzwisisa zvakange zvarehwa nen’anga iyi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chinonetsa ndechekuti musikana anoti akashandisirwa weti yake nababamukuru ava, avo vatinoti vakaita ruchiva nemuramu saka chava kutishungurudza isu ndechekuti tave kutyira kuti musikana uyu kana akaroorwa pamwe, kana kupinda pabonde nevamwe varume, vanogona kuzogumisira vasangana, vanamatirana,” vanodaro.

Vanoti nyaya iyi yakaunzwa kudare ravo ichibva kwaSadunhu Huchu mushure mekunge vabereki vemukomana vamutakura nengoro ndokunomuramwa kumba kwababamukuru vemusikana uyu.

“Pavakaramwidzana kudaro, nyaya iyi yakazokwidzwa kudare redu sezvo babamukuru ava vakange vave kuti vapumhwa huroyi,” vanodaro.

VaNemangwe vanoti vakazobudirira kuenda kun’anga yepiri neyechitatu dzinova dzakabata zvakare babamukuru vaAgnes.

“Babamukuru vemusikana uyu havasi kubvuma kana kuramba nyaya iyi, asi vanoti vane daka nekuroorwa kwake sezvo vari ivo vaimubhadharira mari yechikoro panguva yavaigara naye,” vanodaro.

Vanoti mushure mekurapwa nen’anga yechitatu, inonzi Chapituka, mukomana uyu ava kunzwa zviri nani uye vaviri ava vachiri kugara vose pamusha pasekuru vemukomana, Nicholas Machisa.

SUPRINTENDENT FLORANCE MARUME

“N’anga Chapituka yakati musikana akapingwa nerunyoka izvo zvakaita kuti mukomana uyu azomera nhengo mbiri,” vanodaro mambo.

Asi Mai Svitsai Masuka, avo vanoita Agnes muzukuru, vanoti musikana uyu nemukomana wake vose vakamera dzimwe nhengo dzesikarudzi – yechikadzi neyechirume.

“Nyaya iyi yakaitika kumwana wehanzvadzi yangu Agnes (18) nemukomana wake Liberty. Agnes ange achigara nababamukuru vake – murume wavatete vake. Babamukuru vake ava vanonzi vakadanana naye, kwave kutora weti yake vachibva vamugadzira kuti asaroorwe nemumwe murume,” vanodaro.

Vanoti Agnes akazowanawo mukomana wezera rake, uyo aida kumuroora panova pakazomuka matambudziko ose aya.

“Vaviri vakaroorana zvakanaka asi dambudziko rakazouya apo mukomana anoti akanzwa nhengo yake ichiita seinodhonzerwa mukati. Ndipo paakaona amera nhengo mbiri dzinoti yechikadzi neyechirume apowo musikana wake aitawo zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Judith Masuka avo vanotiwo Agnes mwana wehanzvadzi yavo, vachiti vachiri kutyiswa nechiitiko ichi.

“Iko zvino nyaya yacho yakatobva kwaSadunhu Huchu ikaendeswa kwaShe Nemangwe kwairi kutongwa nekuti kuchipatara cheGokwe Hospital vakazvitadza.

“Maonero edu chivanhu chakaitika nekuti musikana aiti babamukuru vake vakamupa mhiko yekuti asaroorwe saka kuroorwa kwaakaita ndipo patakanzwa oti iye nemurume wake vakamera nhengo mbiri. Ticharamba tichifamba kuchivanhu kuti tione kuti zvingagadziriswa sei,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kukurukura naAgnes naLiberty pamwe nababamukuru vemusikana uyu sezvo vose vasina kuonekwa pakashanyirwa dunhu iri uye nhamba dzavo dzenhare dzaisabatika kusvikira pakadhindwa bepanhau rino.

Superitendent Florance Marume, avo vanoshanda kuchikamu cheOperations kuGokwe, vanoti nzvimbo yeGokwe inotika minana yakasiyana.

“Muno munoitika zvinhu zvakawanda zvinotyisa kwazvo, asi isu semapurisa hatitadziswe basa redu. Tinongotanga tanamata apo tinopinda mubasa nekuti tinoshanda neveruzhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links