Kwayedza

Vakamhan’ara nyaya yavo: Zrp

MUTAURIRI wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vakatsinhira kuti Mbuya Munemo vakamhan’ara nyaya yavo kumapurisa ekuRhodesville musi wa12 Chivabvu gore rino apo vaiti pamba pavo pakange pauya mumwe murume achivimbisa kuti aida kuvauraya.

“Amai ava vakamhan’ara nyaya yavo vachiti upenyu hwavo huri panjodzi nekuda kwekuti pamba pavo pakauya mumwe murume wavasingazive achivataurira kuti anoda kuvauraya nekuvatema nematombo,” vakadaro.